Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 5 - Shona Bible 1949 revised 2002


Dhavhidhi anokumbira kuti afambiswe zvakanaka pakati pavavengi vake
Kumutungamiriri wenziyo; nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1 Inzwai mashoko angu, Jehovha, Rangarirai kufunga kwomwoyo wangu.

2 Teererai izwi rokuchema kwangu, imi Mambo wangu, naMwari wangu; Nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3 Jehovha, muchanzwa izwi rangu mangwanani; Mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu, ndichirindira.

4 Nokuti hamuzi Mwari anofarira zvakaipa, Munhu, akashata, haangagari nemi.

5 Munhu, anozvikudza, haangamiriri pamberi penyu; Munovenga vose vanoita zvakaipa.

6 Muchaparadza vanoreva nhema; Jehovha anosema munhu anoteura ropa neanonyengera.

7 Asi kana ndirini, ndichapinda mumba menyu nokuwanda kwounyoro hwenyu, Ndichanamata ndakaringira kutemberi yenyu tsvene ndichikutyai.

8 Ndifambisei, Jehovha, mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu; Gadzirai nzira yenyu pamberi pangu.

9 Nokuti hapana kutendeka pamiromo yavo; Mukati mavo makashata-shata; Huro dzavo hwiro hwakashama; Vanobata kumeso norurimi rwavo.

10 Muvapei, mhosva, Jehovha; Ngavawe namano avo; Muvadzinge nokuda kwokuwanda kwokudarika kwavo; Nokuti vakakumukirai.

11 Asi vose vanovimba nemi ngavafare, Ngavadanidzire nomufaro nguva dzose, nokuti imi munovadzitira; Vose vanoda zita renyu ngavafare nemi.

12 Nokuti mucharopafadza akarurama; Imi Jehovha, muchamukomberedza nenyasha senhoo.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies