Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 4 - Shona Bible 1949 revised 2002


Mufaro norugare zviri kuna Jehovha
Kumutungamiri wenziyo; nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1 Ndipindurei kana ndichidana, Mwari wokururama kwangu; Pakumanikidzwa kwangu makandiisa pakafarikana; Ndinzwirei tsitsi, munzwe munyengetero wangu.

2 Nhai vanakomana vavanhu, kukudzwa kwangu kuchashandurwa kunyadziswa kusvikira riniko? Muchada zvisina maturo, nokutsvaka nhema kusvikira rini?

3 Asi zivai kuti Jehovha akazvitsaurira munhu anomuda, Jehovha achanzwa kana ndichidana kwaari.

4 Ityai, murege kutadza; Tauriranai nemwoyo yenyu panhoo dzenyu, muti mwii.

5 Bayirai zvibayiro zvokururama, Muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji variko vanoti, “Ndianiko achatiratidza zvakanaka? Jehovha, simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.”

7 Makaisa mufaro mumwoyo mangu, Unopfuura wavanhu kana zviyo zvavo newaini yavo zvawanzwa.

8 Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; Nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies