Mapisarema 20 - Shona Bible 1949 revised 2002Munyengetero kuti mambo akunde Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Jehovha ngaakupindure nomusi wokutambudzika; Zita raMwari waJakobho ngarikuise pakakwirira; 2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, Akutsigire nesimba rinobva Zioni. 3 Ngaarangarire zvipiriso zvako zvose, Agamuchire zvibayiro zvako zvinopiswa; 4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, Ngaaite sezvawakafunga. 5 Tichafara kwazvo nokukunda kwenyu, Tichasimudza mireza yedu nezita raMwari wedu; Jehovha ngaaite zvose zvawakakumbira. 6 Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; Achamupindura ari kudenga kwake kutsvene Nesimba roruoko rwake rworudyi, rinoponesa. 7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza; Asi isu tichareva zita raJehovha Mwari wedu. 8 Ivo vakotamiswa, vawira pasi; Asi isu tasimuka, timire zvakanaka. 9 Ponesai, Jehovha; Mambo ngaatipindure kana tichidana. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe