Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 19 - Shona Bible 1949 revised 2002


Ukuru hwaJehovha hunoonekwa pazvisikwa zvake nomurayiro wake
Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; Uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.

2 Musi mumwe unotaurira mumwe musi, Uye usiku humwe hunopupurira humwe usiku njere.

3 Hapana kutaura, kana mashoko; Izwi razvo harinzwiki.

4 Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, Namashoko azvo kumugumo wenyika. Akagadzirira zuva tende mukati mazvo.

5 Iro rakafanana nechikomba chinobuda mumba macho, Rinofara semhare kumhanya nenzira yaro.

6 Kubuda kwaro kunobva pamugumo wedenga, Kupota kwaro kunosvika pakuguma kwarozve; Hakune chinhu chakavanzirwa kupisa kwaro.

7 Murayiro waJehovha wakakwana, unoponesa mweya; Chipupuriro chaJehovha ndechazvokwadi, chinopa vasina mano njere.

8 Zvinorairwa naJehovha zvakarurama, zvinofadza mwoyo; Murau waJehovha wakaisvonaka, unovhenekera meso.

9 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi; Zvakatongwa naJehovha ndezvazvokwadi, zvakarurama kwazvo.

10 Zvinofanira kutsvakwa kukunda ndarama, zvirokwazvo kukunda ndarama zhinji yakaisvonaka; Zvinotapirawo kupfuura huchi nomusvi wamazinga ohuchi.

11 Uyezve, muranda wenyu unonyeverwa nazvo; Pakuzvichengeta panomubayiro mukuru. Kana kuri kutsauka, ndiani angakuziva?

12 Ndianiko angaziva zvitadzo? Ndinatsei imi pazvitadzo zvakavanzika.

13 Dzoraiwo muranda wenyu pazvivi zvokuzvikudza; Ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu; ipapo ndichava akakwana, Handingavi nemhosva yokudarika kukuru.

14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, Imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies