Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 17 - Shona Bible 1949 revised 2002


Dhavhidhi anochema kuti arwirwe kuvavengi vake
Munyengetero waDhavhidhi

1 Inzwai zvakarurama Jehovha, muteerere kuchema kwangu; Rerekerai nzeve dzenyu kumunyengetero wangu, unobva pamiromo isinganyengeri.

2 Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu; Meso enyu ngaatarire zvakarurama.

3 Makaidza mwoyo wangu; makandishanyira usiku; Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri; Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.

4 Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu, Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.

5 Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu, Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

6 Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, imi Mwari; Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri, munzwe kutaura kwangu.

7 Ratidzai unyoro hwenyu hunoshamisa, imi, munoponesa vanovimba nemi, Imi munoponesa noruoko rwenyu rworudyi, ava vanovimba nemi Kunavanovamukira simba.

8 Ndichengetei semboni yeziso renyu, Ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9 Kunavakaipa, vanondiparadza, Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.

10 Vakadzivira mwoyo yavo; Vanotaura vachikudza nemiromo yavo.

11 Vakatikomba zvino pakufamba kwedu; Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.

12 Vakafanana neshumba inokarira kuparadza, somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.

13 Simukai, Jehovha, Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi; Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;

14 Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha, Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu, Vamunozadza dumbu ravo nepfuma yenyu; Vana vana vazhinji, Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvepfuma yavo.

15 Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies