Mapisarema 16 - Shona Bible 1949 revised 2002Rudo rwaDhavhidhi kuna Jehovha Rwiyo Mikitami rwaDhavhidhi 1 Ndichengetei, Mwari, nokuti ndinovimba nemi. 2 Ndakati kuna Jehovha, “Ndimi Ishe wangu; Kunze kwenyu handine chinhu chakanaka.” 3 Kana vari vatsvene, vari panyika, Ndivo vakaisvonaka vandinofarira zvikuru. 4 Kuchema kuchawanzwa kwavanovigira mumwe mwari zvipo; Zvipiriso zvavo zvinodururwa zveropa handingazvidururi, Namazita avo handingaarevi nemiromo yangu. 5 Jehovha ndiye mugove wenhaka yangu nowomukombe wangu; Munochengeta mugove wangu. 6 Rwonzi rwokuyera rwakandiyerera nzvimbo dzakanaka; Zvirokwazvo, nhaka yangu yakaisvonaka. 7 Ndicharumbidza Jehovha akandipa mano, Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzinondidzidzisa panguva dzousiku. 8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose; Zvaari kurudyi rwangu, handingazununguswi. 9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara, kukudzwa kwangu kunofarisisa; Nyama yanguo ichagara yakachengetwa. 10 Nokuti hamungasiyi mweya wangu muSheori; Hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora. 11 Muchandiratidza nzira youpenyu; Mufaro wakazara uri pamberi pangu; Paruoko rwenyu rworudyi panezvinofadza nokusingaperi. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe