Mapisarema 14 - Shona Bible 1949 revised 2002Vanhu vose vakashata Kumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Benzi rakati mumwoyo maro, “Mwari haako.” Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza; Hapana anoita zvakanaka. 2 Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu, Kuti aone kana akachenjera aripo, Anotsvaka Mwari. 3 Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete; Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe. 4 Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here? Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa, Vasingadani kuna Jehovha. 5 Vakanga vachitya zvikuru ipapo; Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama. 6 Munonyadzisa zano romurombo, Asi Jehovha ndiye utiziro hwake. 7 Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni! Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa, Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo, naIsiraeri achafara. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe