Mapisarema 13 - Shona Bible 1949 revised 2002Dhavhidhi anovimba nokubatsira kwaMwari Kumutungamiriri wokuimba; Pisarema raDhavhidhi 1 Jehovha muchandikanganwa nokusingaperi kusvikira rini? Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira riniko? 2 Ndichafunga mano mumweya mangu kusvikira rini, Ndine shungu pamwoyo pangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira rini? 3 Rangarirai, mundipindure, Jehovha Mwari wangu; Vhenekerai meso angu, ndirege kuvata hope dzokufa; 4 Muvengi wangu arege kuti, “Ndamukunda;” Vadzivisi vangu varege kufara kana ndichizununguka. 5 Asi ndakavimba nenyasha dzenyu; Mwoyo wangu uchafara nokuponesa kwenyu; 6 Ndichaimbira Jehovha, Nokuti akandiitira zvakanaka. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe