Mapisarema 11 - Shona Bible 1949 revised 2002Dhavhidhi anovimba naMwari, nokuti anochengeta vakarurama Kumutungamiriri wokuimba; Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndinovimba naJehovha; Munoreva seiko kumweya wangu, muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri? 2 Nokuti, tarira, vakaipa vanowembura uta, Vanogadzira museve wavo parukungiso, Kuti vafure anomwoyo wakarurama parima. 3 Kana nheyo dzakaparadzwa, Akarurama angaiteiko?” 4 Jehovha uri mutemberi yake tsvene, Iye Jehovha, chigaro chake chohushe chiri kudenga; Meso ake anotarira, mafungiro ameso ake anoidza vana vavanhu. 5 Jehovha anoidza vakarurama; Asi mweya wake unovenga wakaipa neanomanikidza. 6 Achanisira misungo pamusoro pavakaipa; Moto nesuriferi nemhepo inopisa, ndiwo uchava mukombe wavo wavakagoverwa. 7 Nokuti Jehovha akarurama; anoda zvakarurama; Vakarurama vachaona chiso chake. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe