Mapisarema 10 - Shona Bible 1949 revised 2002Akaipa anozvikudza pamberi paMwari, asi Jehovha ndiye murwiri 1 Munomirireiko kure, Jehovha? Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika? 2 Pakuzvikudza kwake akaipa anotambudza murombo zvikuru; Ngavabatwe namano avakafunga. 3 Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro pezvinoda mwoyo wake, Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza. 4 Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti, “Haangabvunzi.” Ndangariro dzake dzose dzinoti, “Hakuna Mwari.” 5 Nzira dzake dzakasimba nguva dzose; Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni; Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora. 6 Anoti mumwoyo make, “Handingazununguswi; Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.” 7 Muromo wake uzere nokutuka nokunyengera nokumanikidza; Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake. 8 Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha; Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva; Meso ake anovandira asina wokumubatsira. 9 Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo; Anovanda kuti abate murombo; Anobata murombo, kana achimukakatira mumumbure wake. 10 Anonyangira, anokotama pasi, Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake. 11 Anoti mumwoyo make, “Mwari akanganwa; Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.” 12 Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; Regai kukanganwa varombo. 13 Akaipa anozvidzireiko Mwari, Achiti mumwoyo wake, “Hangabvunzi?” 14 Mazviona henyu; nokuti munoona kutambudzika nokuchema, kuti muzvibate muruoko rwenyu; asinamubatsiri anozviisa kwamuri; Makava mubatsiri wenherera. 15 Vhunai ruoko rwowakaipa. Kana ari munhu akashata, nzverai zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani. 16 Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri; Vahedheni vakaparadzwa munyika yake. 17 Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro; Muchasimbisa mwoyo yavo, mucharerekera nzeve yenyu; 18 Kuti mutongere nherera neanotambudzwa, Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa. |
© Shona Union Version 2002
Bible Society of Zimbabwe