Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 7 - Shona Bible 1949 revised 2002

1 Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako.

2 Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake.

3 Ini ndichaomesa mwoyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti.

4 Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru.

5 VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro peIjipiti, ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo.”

6 Mosesi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo.

7 Mosesi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao.

8 Zvino Jehovha akataura naMosesi naAroni, akati,

9 “Kana Farao achitaura nemi, akati, ‘Tiratidzei chinoshamisa,’ uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.’ ”

10 Mosesi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka.

11 Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo.

12 Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.

13 Zvino mwoyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha.


Dambudziko rokutanga: Mvura inoshandurwa ropa

14 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Mwoyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda.

15 Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka.

16 Ugoti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri,’ achiti, ‘Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.’

17 Zvanzi naJehovha, ‘Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.’

18 Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kunwa mvura yorwizi.”

19 Jehovha akatiwo kuna Mosesi, “Uti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,’ zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe.”

20 Mosesi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa.

21 Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti.

22 N'anga dzeIjipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

23 Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo.

24 VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokunwa; nokuti vakanga vasingagoni kunwa mvura yorwizi.

25 Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa kworwizi naJehovha.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies