Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Eksodo 19 - Shona Bible 1949 revised 2002


VaIsiraeri vanosvika kugomo reSinai

1 Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana vaIsiraeri panyika yeIjipiti, nezuva iro vakasvika murenje reSinai.

2 Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; vaIsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo.

3 Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, “Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana Isiraeri, uti,

4 ‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri.

5 Naizvozvo zvino kana mukateerera izwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu;

6 muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.’ Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri.”

7 Zvino Mosesi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha.

8 Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, “Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita.” Mosesi akandoudza Jehovha mashoko avanhu.

9 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose.” Mosesi akaudza Jehovha mashoko avanhu.

10 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguo dzavo,

11 vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai.

12 Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo’;

13 ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo.”

14 Zvino Mosesi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguo dzavo.

15 Akati kuvanhu, “Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi.”

16 Zvino nezuva retatu kwoedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nezwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera.

17 Zvino Mosesi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo.

18 Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi hwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo.

19 Zvino izwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mosesi akataura, Mwari akamupindura nezwi.

20 Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira.

21 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa.

22 Navapristi vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza.”

23 Mosesi akati kuna Jehovha, “Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, ‘Tarira miganhu pagomo muritsaure.’ ”

24 Jehovha akati kwaari, “Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza.”

25 Ipapo Mosesi akaburukira kuvanhu, akandovaudza.

© Shona Union Version 2002

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies