Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Ɀireʋo 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Chinangwa chebhuku rino

1 Tsumo dzaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsiraeri

2 dzokuti vanhu vazive ungwaru nezvidzidzo kuti vanzwisise mashoko ezvakadzama,

3 dzinoitawo kuti munhu adzidze uchenjeri, ururami, noruenzaniso nokuva pachokwadi.

4 Kuitirawo kuti vanhuwo zvavo vapiwe uchenjeri nevechidiki kufunga.

5 Mungwaru achadzinzwawo agopamhidzira ruzivo anonzwisisa agowanawo mano.

6 Kuri kuitira kuti munhu anzwisise tsumo namadimikira uye mazwi avangwaru nezvirahwe zvavo.

7 Kutya Tenzi ndiko kutanga kworuzivo mapenzi anoshora ungwaru nechidzidziso.


I: MAZWI OKUSUMA UNGWARU Vechidiki sianai neshamwari dzakaipa

8 Mwanangu, teerera zvaunodzidziswa nababa vako. Usarambe zvaunorairwa naamai vako.

9 Zvichava tsungare yokushongedza musoro wako nayo nechuma chokushongedza huro yako nacho.

10 Mwanangu, vatadzi vakakunyengetedza kuita chinhu, usabvume.

11 Kana vakati, “Uya tiende tindovandira vanhu tivauraye tindovhurumukira kuvarwisa vasina mhaka uye zvisina tsarukano

12 sezvinoita nzvimbo yavafi tivamedze vari vapenyu vakangodaro sezvavakaita sezvinoita vanodzika muguva,

13 tichawana zvose zvakakosha tigozadza dzimba dzedu nezvinhu zvokupamba,

14 isa mugove wako kwatiri tive nechikwama chimwechete.”

15 Mwanangu, rega kufamba munzira navo usarege tsoka yako ichienda munzira dzavo

16 nokuti tsoka dzavo dzinomhanyira kuuipi uye vanokurumidza kudeura munhu ropa

17 nokuti hazvina zvazvinobatsira kuteya urimbo shiri dzichiona.

18 Vanhu ivava kutozvivandira ikoko kuti ivo vafe vanovandira kuparara kwoupenyu hwavo pachavo.

19 Iwoyu ndiwo mugumo wavose vanowana zvinhu nenzira isina kunaka zvinoparadza upenyu hwomuridzi wazvo.


Ungwaru hunoyambira vasina hanya nahwo

20 Ungwaru hunodanidzira mumugwagwa hunoshevedzera pamisika.

21 Hunodaidzira zvikuru pamusoro petsvingo hunotaura mashoko ahwo huri kumusuo wedare reguta.

22 Nhaimi vasinganzwisisi muchasvika rinhi musinganzwisisi? Imi vashori kusvikira rinhiko muchifarira kunyomba uye muri mapenzi asingadi ruzivo?

23 Teererai zvandinokutsiurai ini ndichazvikwengura ipfungwa dzangu kwamuri ndikuzivisei mashoko angu

24 ndinodaro nokuti ndakadaidzira asi makaramba kudavira. Ndakatambanudza ruoko asi hapana akambotirimuka.

25 Hauna kumboita hanya nemazano angu makaramba kuti ndikutsiurei.

26 Kana neniwo ndichakusekai mupfumvu yenyu ndikusveveredzei kana mabatwa nokutya,

27 kana kutya kwakuvhungai sedutu pfumvu yakuwirai sechamupupuri kuora mwoyo nokurwadziwa kwamonerana nemi.

28 Vachandidaidza asi ini handipinduri vachanditsvagisisa asi havandiwani.

29 Nokuti vakavenga ruzivo uye havana kusarudza kutya Tenzi.

30 Havana kuita hanya nemazano angu vakashora kuvatsiura kwangu.

31 Ndizvozvo vachadya michero yemaitiro avo vagoguta netwavanonanga,

32 nokuti vasinganzwisisi vanouraiwa nokutsauka kwavo kushaya hanya kwamapenzi kunoauraya.

33 Asi anonditeerera anogarika achava pamutambaratede wokusambotya chinhu chakaipa.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies