Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 15 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Mirao yakapamhidzirwa pane yemipiro

1 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

2 “Udza vaIsiraeri kuti, kana mava munyika yandichakupai kuti mugaremo,

3 kana munhu achiuya kuzopira mupiro wake kuna Tenzi wezvipfuwo, zvemombe kana hwai, kana mbudzi, achiita mupiro unoita zvokupiswa kana mupiro wokupisa nomoto kana mupiro wezvaakambotsidza, kana wechido chake, kana pamunochengeta enyu mazuva makuru kuti kunhuhwirira kwayo kundifadze, zvamunoita ndezvizvi:

4 munhu anenge auya nomupiro ngaaunze mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete,

5 newaini yomupiro wezvokunwa inokwana chikamu chapakati napakati cherita. Zvose izvozvo ngazvipirwe pamwechete nomupiro wokupisa, nechibayiro chehwayana imwe neimwe.

6 Kana iri hondohwe, pirai pamwechete nayo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana rita rimwechete nechikamu chapakati napakati perita,

7 pamwechete newaini inokwana rita nechikamu charo chapakati napakati. Kunhuhwirira kwemipiro iyoyi kunofadza Tenzi.

8 Pamunopira Tenzi handira ichiri duku yomupiro wokupisa, kana chibayiro chomupiro wezvakatsidzwa kana mipiro yokuwadzana kuna Tenzi

9 unzaiwo mupiro wembesanwa woupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu matatu, hwakakanyiwa namafuta eorivhi anokwana marita maviri,

10 pamwechete newaini inokwana marita maviri somupiro inopiswa nomoto. Kunhuhwirira kwomupiro iwoyu kunofadza ini Tenzi.

11 “Saka ndizvo zvamunoita pamupiro mumwe nomumwe wehandira, kana hondohwe, kana hwayana hono kana mbudzana hono.

12 Chibairo choga choga chamunopira, hazvinei kuti zvingani, chimwe nechimwe chazvo ngachiitiwe zvimwechetezvo.

13 Chizvarwa choga choga cheIsiraeri, ngachiite saizvozvo pakupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kunofadza Tenzi.

14 Kana pachinge paine mutorwa agere nemi zvachose, kana kuti agere nemi kwechinguva achida kupira mupiro unoita zvokupiswa kuti kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi, anofanirawo kuita sezvamunoita.

15 Murao mumwechete ndiwo uchasunga imi navatorwa vamugere navo. Uchagara uripo kwezvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pana Tenzi imi navatorwa hapana mutsauko.

16 Imi navatorwa vamugere navo muchava nemitemo nemirao mimwechete.”

17 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

18 “Udza vaIsiraeri kuti kana mava munyika yandichakusvitsai,

19 mukange modya zvokudya zvemo, torai zvimwe mupire Tenzi mupiro.

20 Pamunokanya upfu hwembesanwa dzenyu dzokutanga muchibika chingwa, chingwa chokutanga ngachipirwe kuna Tenzi chive mupiro wenyu wezvamunotanga kupura paburiro, ndiwo mapiriro amuchauita.

21 Pazvizvarwa zvenyu zvose torai mupiro, pamukanyiwa wenyu wokutanga, mupire kuna Tenzi.

22 “Asi kana mukakanganisa mukarega zvenyu kuchengeta mirao iyoyi yakaudzwa Mosesi naTenzi,

23 zvose zvazvo zvakatemwa naTenzi zvamakaudzwa naMosesi, kubvira pazuva rakapiwa mutemo naTenzi pazvizvarwa zvenyu zvose zvichauya,

24 kukanganisa ikoko kana kwaitwa negungano mukusaziva, gungano rose ngariite mupiro wokupisa wehandira ichiri duku, unonhuhwirira zvinofadza ini Tenzi pamwechete nomupiro wembesanwa newaini yomupiro wezvokunwa. Ngavapirewo gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo maererano nezvakatemwa naTenzi.

25 Mupristi ngaaite mupiro wokuripira zvitadzo zvegungano rose ravaIsiraeri. Vacharegererwa nokuti vakazviita mukusaziva vakapirawo Tenzi mipiro yavo inopiswa nomoto nemupiro wokuzvichenura kuzvitadzo vachiripa kukanganisa kwavo.

26 Mhuri yose yeIsiraeri navatorwa vagere navo vacharegererwa nokuti munhu wose akanga arimo mukuvhiya katiyo.

27 “Kana munhu mumwechete akatadza mukusaziva ngaapire mbudzi hadzi ine gore rimwechete uve mupiro wokupfupira zvitadzo.

28 Mupristi ngaapire mupiro kuna Tenzi wokuripira zvitadzo zvomunhu iyeyo. Munhu iyeyo anenge akakanganisa mukusaziva acharegererwa.

29 Ani naani anotadza mukasaziva kunyange ari chizvarwa chomuIsiraeri kana mutorwa agere nemi anosungwa nomutemo mumwechetewo.

30 “Asi ani naani anotadza maune kunyange ari chizvarwa cheIsiraeri kana mutorwa, ashora Tenzi ngaachekaniswe ukama novokwake,

31 nokuti akaramba kuteerera Tenzi akatyora mutemo wake. Munhu iyeyo ngaabviswe murudzi rwake zvachose. Ndiye akazviparira.”


Munhu akatsvaka huni nomusi weSabata

32 Zvino vaIsiraeri vachiri murenje, vakawana mumwe murume achitsvaka huni musi weSabata.

33 Vaya vakamuona achitsvaka huni vakamuunza kuna Mosesi naAroni negungano rose ravaIsiraeri.

34 Vakamubata vakamuchengetedza nokuti vakanga vasati vaziva kuti vangaitei naye.

35 Tenzi ndokuzoudza Mosesi achiti, “Murume iyeyo ngaaurayiwe. Gungano rose ravaIsiraeri ngarindomutema namabwe kunze kwemunharaunda yamatendhe.”

36 Saka gungano rose rakaenda naye kunharaunda yokunze kwamatendhe ndokumutemerako namabwe akafa sezvakaudzwa Mosesi naTenzi.


Mutemo wokuisa masa pahanzu

37 Tenzi akataurira Mosesi achiti,

38 “Iti vaIsiraeri vasonere masa pakona yoga yoga yehanzu dzavo vazviite pazvizvarwa zvavo zvose. Vasungire shinda yeruvara rwedenga pamasa dzacho.

39 Masa idzodzo dzichava chiyeuchidzo chokuti mukadzitarisa muyeuke mitemo yangu muichengete, murege kungoita zvamunoda muchifurirwa noruchiva, rwemwoyo yenyu noruchiva rwemeso enyu, sezvamakajairira.

40 Saka muchayeuka mitemo yangu yose muchiichengeta. Muchava vanhu vangu vandakazvisarudzira vatsvene.

41 Ndini Tenzi Mwari wenyu ndakakubudisai munyika yeIjipiti kuti ndive Mwari wenyu. Ini ndini Tenzi Mwari wenyu.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies