Numeri 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaKurangwa kwaMiriamu 1 Miriamu naAroni vakatsoropodza Mosesi pamusana pomukadzi waakanga aroora, nokuti akanga aroora mukadzi wechiKushi. 2 Vakati, “Ko Mosesi ndiye oga akangotaurirwa zvinhu naTenzi here? Ko isu hatina kutaurirwawo zvinhu naTenzi here?” Tenzi akanzwa zvavaitaura. 3 Mosesi akanga ari munhu akazvirereka kupfuura vanhu vose vapanyika. 4 Pakarepo Tenzi akataurira Mosesi naAroni naMiriamu achiti, “Uyai mose muri vatatu kutendhe rangu rokusanganira.” Vakabuda vari vatatu. 5 Ipapo Tenzi akauya ari mugore rakasvikomira kumusuo wetendhe iroro. Mwari akadaidza achiti, “Aroni! Miriamu!” Vakaenda mberi vose vari vaviri. 6 Iye ndokuti, “Chinzwai zvandinoreva! Kana mumwe wenyu ari muporofita ini Tenzi pachangu ndinozviratidza kwaari, kana kutaura naye muchiroto. 7 Asi handidaro nomuranda wangu Mosesi nokuti zvinhu zvangu zvose ndakazviisa mumaoko ake. 8 Ndinokurukura naye takatarisana tichinyatsotaurirana pasina zvamadimikira achiona chimiro changu ini Tenzi. Ko makarega sei kutya kutsoropodza muranda wangu Mosesi?” 9 Tenzi akavashatirirwa ndokubva aenda. 10 Gore rakanga rakafukidza tendhe iroro rakasimuka. Miriamu akava nechirwere chamapere akachena samazaya echando. Aroni akatarisa Miriamu wanei ava nechirwere chamapere. 11 Aroni ndokutaura naMosesi achiti, “Changamire ndapota! Regai kutirwadzisa muchitirangira kutadza kwatakaitira muupenzi hwedu. 12 Musarege Miriamu achiita sowakafa, somwana anoberekwa ane muviri wakadyiwadyiwa.” 13 Mosesi akachema kuna Tenzi achiti, “Nhai Mwari! Ndapota! Muporesei zvenyu!” 14 Asi Tenzi ndokuti kuna Mosesi, “Dai vanga vari baba vake vamusvipira pauso angadai asina kunyara here kwamazuva manomwe achindogariswa kunze kwamatendhe ari oga here? Saka ngaandogara ari oga kunze kwamatendhe kwamazuva manomwe agozodzoserwa mumatendhe.” 15 Naizvozvo Miriamu akanzi agare kunze kwamatendhe kwemazuva manomwe. VaIsiraeri havana kutama ipapo kusvikira Miriamu adzokera mumatendhe. 16 Vakazobva paHezoroti vakandodzika matendhe avo murenje reParani. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe