Nahumi 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika1 Chirevo chinonangana neNinivhe. Bhuku rezvakaoneswa Nahumu wokuErikoshi. YAMBIRO Kuvirukira Ninivhe nehasha kwaTenzi 2 Tenzi ndiMwari weshanje anotsividza, Tenzi anotsividza, anoviruka nehasha, Tenzi anotsividza vavengi vake, anodzvokora vavengi vake. 3 Tenzi haakurumidzi kushatirwa asi simba anaro guru uye Tenzi haaregi kuranga munhu ane mhosva. Muchamupupuri nedutu remhepo ndimo mune nzira yake makore ari huruva yetsoka dzake. 4 Anotsiura gungwa achiriomesa anopwisa nzizi dzose kuBhashani nokuKarimero kuchisvava pfumvudza yeRebhanoni ichinava. 5 Pamberi pake makomo anodedera zvikomo zvichinyongodeka, pamberi pake nyika inonyandurwa, pasi pose nezvose zvigere mairi. 6 Ndiani chaizvo angamirisane nehasha dzake? Chaizvo ndiani angapamire paanenge aviruka nehasha? Hasha dzake dzinoita zvokuviruka somoto matombo achitsemurwa-tsemurwa naye. 7 Tenzi akanaka, inhare yokuhwanda pazuva rokutambudzika. Iye anozivawo vanotizira kwaari. 8 Asi nemafashamo achanyatsoritsvaira panzvimbo paro achironda vavengi vake kusvikira murima. 9 Ibanganoi ramunoitira Tenzi? Achanyatsotsvaira kupedza vavengi vake. Haapamhidzi ruviri kunyatsovatsividza 10 savanhu vakadhakwa nezvokunwa vacharoromeswa seminzwa yakakochekerana uye sezvidzitsi zvemashanga zvakaoma. KuAsiria 11 Handiti mamuri makabva mumwe akarongera Tenzi chimwe chinhu chakaipa akapa mazano asina maturo? Kuna Judha 12 Zvanzi naTenzi Mwari, “Kunyange zvavo vaine simba uye vakawanda, vachapfuudzwa vakatsakatika. Kunyange zvangu ndakambokurwadzisa handichakurwadzisazve. 13 Saka zvino ndava kutyora joko rake riri pauri ndigodambura-dambura tambo dzako.” Shoko kuAsiria 14 Tenzi atema chirevo nezvako chokuti “Zita rako harichafanira kuramba richiyeukwa. Zvifananidzo zvako zvokunamata zvemabwe akavezwa nezvoutare hwakanyungurutswa ndichazviparadza mumba yavamwari vako. Ndichakuitira guva nokuti hauna maturo.” 15 Inzwai munzwe tsoka dzenhumwa inouya namashoko akanaka ichiparidza nezvorugare! Imi vokwaJudha, chengetai mazuva enyu makuru itai zvamakatsidza nokuti hazvizoitika zvakare nokuti muipi haachauyezve kuzokurwisa, anyatsoparadzwa chaizvo. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe