Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Jobho 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


I: MAZWI OKUSUMA NHAMO DZAJOBHU Mwari anorega Satani achiedza Jobhu

1 Kwaiva nomumwe murume munyika yeUzi ainzi Jobhu. Murume iyeyo aiva munhu akarurama, ari pachokwadi, aitya Mwari uye munhu wainzvenga zvakaipa.

2 Akabereka vana vakomana vanomwe uye vasikana vatatu,

3 aiva nehwai zviuru zvinomwe, nengamera zviuru zvitatu nezvipani mazana mashanu amadhonza, namazana mashanu amadhongi makadzi navaranda vazhinji kwazvo, zvokuti aiva nomukurumbira kupinda vamwe vanhu vose vokumabvazuva.

4 Vanakomana vaJobhu vaipota vachiita mabiko mumisha yavo, mumwe nomumwe aine chijanha chezuva rake. Vaindokokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuti vadye nokunwa pamwechete navo.

5 Paainge mazuva iwayo amabiko apera, Jobhu aitumira nhume yokuti vazomuchenura. Aifumomuka rungwanani-ngwanani achipira zvibayiro zvokupisa maererano nouwandu hwavo, nokuti Jobhu aiti vangadaro vanakomana vake vakatadzira Mwari vachimushonha mumwoyo yavo. Jobhu aiita saizvozvo nguva dzose.


Nhanho yokutanga

6 Zvino nerimwe zuva zvakazoitika kuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo.

7 Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepi?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichingodzengerera zvangu nenyika ndichifamba-famba mairi.”

8 Tenzi akati kuna Satani, “Wati wambofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi.”

9 Satani akapindura Tenzi achiti, “Iye Jobhu anotya Mwari mahara here?

10 Handiti makamutenderedza norumhanda iye nemba yake uye zvose zvaanazvo kumativi ose? Makakomborera basa raanoita namaoko ake. Makaita kuti zvinhu zvake zviwande panyika.

11 Ingotambanudzai ruoko rwenyu mungobata chete zvose zvaanazvo muone kuti haakushonhei here pameso penyu chaipo”

12 Tenzi akati kuna Satani, “Zvakanaka, zvose zvaanazvo zvava mumaoko mako, asi iye pachake usambomubatabata zvako.” Saizvozvo Satani akabva abva zvake panaMwari.


Nhamo dzakawira Jobhu

13 Rimwe zuva zvakaitika kuti vanakomana navanasikana vake vakanga vari pakudya zvavo nokunwa waini mumba yomukomana wavo mukuru,

14 kwakauya nhume kuna Jobhu ichiti, “Nzombe dzanga dzichirima, madhongi achifura zvawo pedyo nadzo.

15 VaSebhiya vauya vakazvitora vakauraya vashandi namapakatwa, ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”

16 Achiri kutaura kudaro, kwakasvika mumwe achitiwo, “Moto waMwari waburuka kudenga ukapisa hwai navashandi ukavaroromesa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”

17 Achiri kutaurawo kudaro, kwakauyazve mumwe achiti, “VaKaradhiya vaita mapoka matatu ndokubva vaita chivhundumukira pangamera vakaenda nadzo. Vauraya vashandi namapakatwa. Ini ndoga ndini ndangopunyuka kuzokutaurirai.”

18 Achiri mukutaura mumwezve ndiye vhu, akati, “Vana venyu vanga vachidya nokunwa zvavo waini mumba yomukoma wavo mukuru.

19 Kwabva dutu guru ravhuvhuta nokugwenga rikarova imba iyoyo kumativi mana ikakoromokera pavadiki ivava vakafa. Ini ndoga ndini ndapunyuka kuzokutaurirai.”

20 Ipapo Jobhu akasimuka akabvarura gemenzi rake. Akaveura musoro wake ndokuti pasi zvambarara achinamata.

21 Akati: “Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndisina chandakapfeka ndichadzokerazve ndisina chandakapfeka; Tenzi ndiye akapa; Tenzi ndiye atora. Zita raTenzi ngarirumbidzwe.”

22 Munaizvozvi zvose Jobhu haana chaakakanganisa kana kupa Mwari mhosva.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies