Genesi 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaZvizvarwa zvavana vatatu vaNowa ( 1 Nhor 1:5–23 ) 1 Izvi ndizvo zvizvarwa zvavana vaNowa vanoti Shemu naHamu naJafeti zvaakabereka shure kwamafashamo emvura. Zvizvarwa zvokwaJafeti 2 Jafeti akabereka vanakomana vake vanoti: Gomeri naMagogu naMadhai naJavhani naTubhari naMesheki naTirasi. 3 Gomeri akabereka vanakomana vake vanoti: Ashikenazi naRifati naTogarima. 4 Javhani akabereka vanakomana vake vanoti: Erisha naTarishishi naKitimu naDhodhanimu. 5 Izvozvi ndizvo zvizvarwa zvokwaJafeti, makabva madzinza akasiyana-siyana, akazogara akatevedza mahombekombe egungwa. Vagere munyika iyi vari mudzimhuri dzavo, mumarudzi akasiyana-siyana maererano nemitauro yavo. Zvizvarwa zvokwaHamu 6 Hamu akabereka vanakomana vake vanoti: Kushi naIjipiti naPuti naKanani. 7 Kushi akabereka vanakomana vake vanoti: Sebha naHavhira naSabhuta naRaama naSabhuteka. Raama akabereka vanakomana vake vanoti: Shebha naDhedhani. 8 Kushi akaberekawo mwana wake mukomana anonzi Nimurodhi. Nimurodhi ndiye akazova mambo wokutanga pasi pano. 9 Nenyasha dzaTenzi, Nimurodhi aiva hombarume chaiyo ndosaka vanhu vakazoita tsumo inoti, “Nenyasha dzaTenzi, ihombarume chaiyo saNimurodhi.” 10 Akatanga kutonga Bhabheri neEreki neAkadhi munyika yeShinari. 11 Akabva kunyika iyoyo akaenda kunyika yeAsiria, ndokuvaka guta reNinevhe neRehobhoti neKara 12 neReseni, guta guru riri pakati peNinevhe neKara. 13 Ijipiti akabereka Rudhimu naAnamimu naRehabhimu, kwouya Nafutuhimu 14 naPatirusimu naKasiruhimu tateguru kwakabva vaFirisitia, naKafutorimu. 15 Kanani akabereka Sidhoni dangwe rake, naHeti 16 ndiye tateguru wamarudzi aya anoti, vaJebhusi nevaAmori nevaGirigashi, 17 kwoti vaHivhi nevaAriki nevaSinai 18 kwozoti vaArivhadhi nevaZemari nevaHamati. Gare gare madzinza evaKanani akazopararira. 19 Nyika yavaKanani yaivambira kuSidhoni zvichienda kuGerari, kundosvika kuGaza, zvoenda nokuSodhomu neGomora neAdhima neZebhoimu kundogumira kuRasha. 20 Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaHamu, namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. Zvizvarwa zvokwaShemu 21 Shemu mukoma waJafeti akaberekawo vana. Ndiye tateguru wemhuri yevaEbheru. 22 Shemu akabereka vanakomana vake vanoti: Eramu naAshuri naAripakishadhi naRudhi naAramu. 23 Aramu akabereka vanakomana vake vanoti: Uzi naHuru naGeteri naMashi. 24 Aripakishadhi akabereka Shera, aShera akabereka Ebheru. 25 Ebheru akabereka vanakomana vake vaviri, mumwe ndiPeregi nokuti panguva yake nyika yakanga yakakamuraniswa. Munun'una wake ainzi Jokitani. 26 Jokitani akabereka Arimodhadhi naSherefu naHazarimavheti naJera, 27 kwozouya Hadhoramu naUzari naDhikira 28 naObhari naAbhimaeri naShebha 29 kwozouya Ofiri naHavhira naJobhabhu, vose ivava ndivo vanakomana vaJokitani. 30 Nyika yavakanga vagere yaibvira kuMesha ichinanga nokuSefari kugomo rokumabvazuva. 31 Ndizvozvi zvizvarwa zvokwaShemu namadzinza avo nemitauro yavo nenyika dzavo nendudzi dzavo. 32 Iwaya ndiwo madzinza emhuri dzavanakomana vaNowa, nezvizukuru zvavo uye nendudzi dzavo, vakazotekeshera panyika mushure mamafashamo emvura. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe