Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 21 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


VaIsiraeri vanokunda vaKanani

1 Mambo weAradhi muKanani akanga agere kuNegevhu, kumaodzanyemba kweKanani akanzwa kuti vaIsiraeri vari kuuya nenzira yokuAtarimu. Akandorwisa vaIsiraeri akatapa vamwe vavo.

2 Ipapo vaIsiraeri vakapika mhiko kuna Tenzi vachiti, “Kana mukatiita kuti tikunde vanhu ava, maguta avo tinoaita chibayiro, tichiaparadza zvachose.”

3 Tenzi akanzwa zvakataurwa neIsiraeri akavabatsira kukunda vaKanani. VaIsiraeri vakavaparadza zvachose pamwechete namaguta avo. Ipapo pakazotumidzwa zita rokuti Horima.


Nyoka yendarira

4 VaIsiraeri vakabva pagomo reHoru vakafamba nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu. Asi vari munzira kudaro vanhu vakaora mwoyo,

5 vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!”

6 Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa.

7 Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira.

8 Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.”

9 Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama.


Vakabva pagomo reHoru vakasvika pabani reMoabhu

10 VaIsiraeri vakafamba vakandodzika matendhe avo kuObhoti.

11 Vakazobva kuObhoti vakandodzika matendhe avo paIyeabharimu, murenje rakatarisana nenyika yaMoabhu nechokumabvazuva.

12 Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo kubani reZeredhi.

13 Vakazobvapo vakandodzika matendhe avo mhiri kwerwizi Arinoni ruri murenje rinosvika kunyika yavaAmori. Arinoni ndirwo runoganhura nyika yavaMoabhu navaAmori.

14 Ndokusaka zvakanyorwa mubhuku rinonzi Bhuku reHondo dzaTenzi zvinonzi; Guta reWahebhu riri muSufa namapani aArinoni

15 namawere amapani anosvika kuAru akatsamirana nemiganhu yeMoabhu.

16 Vakasimudzira rwendo rwavo vakasvika patsime reBheeri ndipo patsime paya pakaudzwa Mosesi naTenzi kuti, “Unganidza vanhu ndivape mvura.”

17 VaIsiraeri vakaimba rwiyo urwu runoti; Iwe tsime, buritsa mvura. Riimbirei rumbo.

18 Tsime rakacherwa namachinda rafukunurwa navatungamiriri vavanhu. Rakacherwa netsvimbo youshe rakacherwawo nemidonzvo yavo. Vakabva murenje vakaenda kuMatana.

19 Vakabva paMatana vakaenda kuNaharieri. Vakabva Naharieri vakaenda kuBhamoti.

20 Vakazobva kuBhamoti vakaenda kumupata uri kubani reMoabhu pamusoro pegomo rePisiga pakatarisana nerenje.


VaIsiraeri vanokunda mambo Sihoni namambo Ogu

21 VaIsiraeri vakatuma nhume kuna Sihoni, mambo wavaAmori, vachiti,

22 “Dotibvumiraiwo kuti tipfuure nomunyika yenyu. Hatizobudi munzira tichipinda muminda yenyu yembesa kana yemivhaini, kana kunwa mvura yetsime renyu zvaro. Ticharamba tiri muMugwagwa Mukuru Wamambo kudzamara tabuda munyika yenyu.”

23 Asi Sihoni haana kubvumira vaIsiraeri kuti vapfuure nomunyika yake. Akatounganidza hondo yake yose, akandorwisa vaIsiraeri kurenje,

24 vaIsiraeri vakavarakasha namapakatwa, vakavatorera nyika yavo kubvira muna Arinoni kundosvika muna Jabhoko, vachindogumira kunyika yavaAmoni nokuti muganho wavaAmoni wakanga wakanyatsodzivirirwa.

25 Saka vaIsiraeri vakatorera vaAmori maguta avo ose, vakagaramo vakatora kunyange Heshibhoni nemisha yakanga yakaripoteredza.

26 MuHeshibhoni ndimo maiva mumuzinda waSihoni mambo wavaAmori, akarwa naakanga ari mambo wavaMoabhu akamubvutira nyika yake yose kundosvika muna Arinoni.

27 Ndokusaka vadetembi venziyo dzengondo vachiti “Uyai kuHeshibhoni, rivakwe patsva, guta raSihoni rinyatsoti dzuu kumira.

28 Moto wakatombobudawo muHeshibhoni, uchibva muguta raiye mambo Sihoni. Wakaroromesa Aru guta ravaMoabhu, ukaparadza machinda okuArinoni.

29 Zvakuwana nhasi Moabhu, maororwa imi vanamati vaKemoshi. Kemoshi akarega vanakomana vachiva vapoteri, vanasikana vake vachiva nhapwa. Vakava nhapwa dzaSihoni mambo wavaAmori.

30 Vana vavo vose vakaparadzwa Vakaparadzwa kubvira kuHeshibhoni kusvikira Dhibhoni, kubvira kuNashimu kusvikira kuNofa, pedyo neMadhebha.”

31 Naizvozvo vaIsiraeri vakabva vagara munyika yavaAmori,

32 Mosesi ndokutuma vanhu kundosora guta reJazeri. VaIsiraeri vatora misha yakanga yakaripoteredza, vakadzingawo vaAmori vaigaramo.

33 Vakazotsauka vakaenda nokuBhashani. Ogi mambo weBhashani akavavinga nehondo yake akavarwisa kuEdhirei.

34 Asi Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Usambomutya zvako. Ndamuisa mumaoko ako navanhu vake vose nenyika yake. Zviya zvawakaita kuna Sihoni mambo wavaAmori aigara kuHeshibhoni ndizvo zvaunofanira kuita kwaari.”

35 Naizvozvo vaIsiraeri vakazomuuraya pamwechete navanakomana vake navanhu vake vose. Kusvikira pasisina nomumwe wavo akapunyuka. Nyika yake yakabva yava yavo.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies