Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Numeri 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


VaIsiraeri vari paTabhera

1 VaIsiraeri vakanyunyuta pamusana penhamo dzavo Tenzi achizvinzwa. Tenzi paakazvinzwa akaviruka nehasha. Akavatumira moto wakaita chibvurebvure uchipisa matendhe avo okumucheto.

2 Vanhu ndokubva vachema kuna Mosesi. Mosesi akanamata kuna Tenzi moto ukadzima.

3 Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakanzi Tabhera nokuti moto waTenzi wakanganduma pakati pavo.


Mosesi anosarudza vakuru vakuru makumi manomwe

4 VaIsiraeri pavaifamba rwendo rwavo vaivao mvongamutititi yavanhu. Vanhu ivavo vaikara nyama zvikuru. VaIsiraeri ndokunyunyutawo vachiti, “Dai tangowanawo zvedu nyama!

5 Tinorangarira hove dzamahara dzataidya kuIjipiti, namagaka namanwiwa namarikisi nehanyanisi negariki.

6 Zvino miviri yedu yarukutika. Hapana chimwe chokudya kana chii zvacho kunze kwemana iyoyi yatangotarisana nayo.”

7 Mana yakanga yakafanana netsanga dzamapfunde, yakaita sepfuta kuchenuruka.

8 Vanhu vaienda muruvanze vachindonongera mana. Vaiikuya, kana kuidzvura, voifashaidza mupoto vozoibika chingwa chainaka sechingwa chakabikwa chakakanywa namafuta.

9 Dova paraidonha usiku muruvanze rwamatendhe mana yaidonhawo pamwechete naro.

10 Mosesi akanzwa vanhu vemhuri dzose vachinyunyuta vamire mutumapoka pamisuo yematendhe avo. Tenzi akavirukira vanhu zvikuru nehasha. Mosesi akasuwa zvikuru.

11 Mosesi akati, “Nhai Tenzi! Imhaka yeiko makandiitira zvakaipa zvakadai? Seiko musingandinzwire tsitsi? Ko zvamatondipazve basa rokutungamirira vanhu vose ava?

12 Ko ndini ndakavabereka kana kuvasika here zvamunoti ndivarere ndichivatakura mumaoko angu somureri anotakura mwana mucheche ndichienda navo kunyika yamakatsidzira madzibaba avo?

13 Ko nyama yandingape vanhu vose ava ndingaiwane kupiko, zvavari kuchema vachiti tipe nyama tidye?

14 Ini handichagoni kuita basa rokutungamirira vanhu ava ndiri ndoga, zvandiremera.

15 Kana mukaramba muchiti ndidaro, ndinzwireiwo tsitsi mundiuraye zvenyu kuti ndirege kuramba ndakatsunga imi muchindirwadzisa.”

16 Tenzi akati Mosesi, “Ndiunganidzire vanhu varume makumi manomwe vechikuru navatungamiriri vavaIsiraeri. Uya navo kwandiri kutendhe rokusanganira vasvikomira newe.

17 Ndichaburuka ndichauya ndizotaura newe ikoko. Pamweya wandakakupa, ndichatora mumwe waunawo ndichiupa kwavari. Naizvozvo ivo vachazokubatsira kuita basa rokutungamirira vanhu. Ipapo hauzotakuri basa iroro oga.

18 Zvino chiudza vanhu uchiti, ‘Zvichenurei nokuti mangwana muchapiwa nyama yokudya. Tenzi akazvinzwira kunyunyuta kwenyu, muchiti ndiani angatipewo zvedu nyama yokudya muchiti taiva nani zvedu kuIjipiti.’ Zvino Tenzi achakupai nyama kuti mudye.

19 Hamuzoidya kwezuva rimwechete, kana maviri kana mashanu, kana gumi, kunyange makumi maviri.

20 Asi muchadya mwedzi wose, kusvikira yava kubuda nomumhuno dzenyu, yava kukufinhai. Izvozvo zvichaitika nokuti makaramba Tenzi ari pakati penyu. Makamunyunyutira muchiti takabudirei zvedu Ijipiti.”

21 Mosesi ndokuti kuna Tenzi, “Ini ndiri kutungamirira mazana matanhatu ezviuru zvavanhu. Ndovamungati imi mungavape nyama yavanokwana kudya mwedzi wose?

22 Ko mombe nehwai dzakakwana dzinowanika kupi dzingabayiwe kuti vawane nyama yavanokwana? Ko hove dzose dzomugungwa kunyange vakadziunganidzirwa vangakwane here?”

23 Tenzi ndokuti, “Ko kune chii chingatadze kuitwa nesimba rangu? Zvino muchaona kuti zvandataura zvinoitika here kana kuti kwete.”

24 Mosesi akabuda akandoudza vanhu zvaakanga audzwa naTenzi. Akakokorodza vatungamiriri makumi manomwe avarume vechikuru vavaIsiraeri ndokuvamisa vakapoteredza tendhe iroro.

25 Ipapo Tenzi akauya ari mugore akataura naMosesi. Akatora mweya pamweya waiva muna Mosesi akaupa vatungamiriri vaya vaiva makumi manomwe. Mweya iwoyo pawakapinda mavari, vakatangisa kuporofita asi havana kuzoramba vachiporofita.

26 Zvino vamwe varume vaviri vakasara vari kumatendhe, mumwe ainzi Eridhadhi, mumwe achinzi Medhadhi. Mweya waTenzi wakauya pavari. Varume ivava vakanga vachiverengerwa pavakuru vakuru vaya, asi vakanga vasina kuenda kutendhe ikoko. Vakatanga kuporofita vari kumatendhe ikoko.

27 Rimwe jaya rakamhanya kundoudza Mosesi kuti Eridhadhi naMedhadhi vari kuporofita mumatendhe.

28 Joshuwa mwanakomana waNuni mubatsiri waMosesi akati kuna Mosesi, “Changamire dzivisai vanhu avo!”

29 Mosesi akati, “Ko wava kuvaitira shanje nemhaka yangu here? Ini ndinodisa kuti dai vanhu vose vaTenzi vave vaporofita vose zvavo. Dai Tenzi angoisa Mweya wake pavari.”

30 Mosesi navatungamiriri vavaIsiraeri vakazodzokera kumatendhe avo.


Mwari anopa vaIsiraeri zvihuta

31 Tenzi akatumira mhepo yakaunza zvihuta kubva kugungwa. Yakazvisvitsa pamatendhe nenharaunda yepo yose zvokuti uchibva pamatendhe uchienda kumativi ose zvawo kuti undosvika kwazvaiperera zvaitoda rwendo rwomuswere wose wezuva. Zvakanga zvakatsikirirana zvokuita murwi unokwana mita rimwechete kubva pasi.

32 Vanhu vakaswerera vakararira vakaswerera zvakare zuva rechipiri vachituta zvihuta. Hakuna munhu akatuta zvihuta asina kusvitsa chiuru chimwechete chamakirogiramu. Vakasasika zvihuta muruvanze rwamatendhe ose.

33 Asi nyama vachinayo mukanwa isati yapera Tenzi akavavirukira nehasha akavarova nedenda rakaipa.

34 Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Makuvaovukukara nokuti pakavigwa vanhu vaikara nyama.

35 Vakatama kuKibhurotihatiaavha vakaenda kuHazeroti, vakambogara kuHazeroti.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies