Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mateo 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


I: KUBEREKWA KWAJESU NOUCHECHE HWAKE Madzitateguru aJesu
( Ruka 3:23–38 )

1 Uyu ndiwo mudungwe wamazita amadzitateguru aJesu Kristu Mwanakomana waDhavhidhi mwanakomana waAbhurahamu.

2 Abhurahamu akabereka Isaki; Isaki akaberekawo Jakobho; Jakobho ndokuberekawo Judha; navanun'una vake.

3 Judha akabereka Faresi naZera; akavabereka naTamari. Faresi akabereka Esiromu; Esiromu akaberekawo Aramu

4 Aramu akabereka Aminadhabhu; Aminadhabhu akaberekawo Naashoni; Naashoni ndokuberekawo Sarimoni.

5 Sarimoni ndokuzoberekawo Bhoazi, akamubereka naRahabhu Bhoazi akabereka Obedhi akamuberekawo naRute. Obedhi akazoberekawo Jese

6 Jese akabereka mambo Dhavhidhi Dhavhidhi akabereka Soromoni nomukadzi waUria.

7 Soromoni akabereka Rehobhoamu, Rehobhoamu akaberekawo Abhiya. Abhiya ndokubereka Asafu.

8 Asafu akabereka Jehoshafati; Jehoshafati akaberekawo Joramu; Joramu ndokubereka Uziya;

9 Uziya akabereka Jotamu. Jotamu akabereka Ahazi Ahazi akazoberekawo Hezekia

10 Hezekia akabereka Manase. Manasewo akabereka Amosi. Amosi ndokubereka Josia

11 Josia akabereka Jokonia navakoma navanun'una vake panguva yavakatapwa kuenda kuBhabhironi.

12 Mushure mehutapwa ihwohwo kuBhabhironi, Jokonia akabereka Sheatieri Sheatieri akabereka Zerubhabheri.

13 Zerubhabheri akabereka Abhihudhi; Abhihudhi akaberekawo Eriyakimu; Eriyakimu ndokubereka Azori.

14 Azori akabereka Zadhoki; Zadhokiwo akabereka Akimu; Akimu akaberekawo Erihudhi.

15 Erihudhi akabereka Eriazari Eriazari akaberekawo Matani Matani akabereka Jakobho.

16 Jakobho akabereka Josefi murume waMaria, Maria ndiye akazobereka Jesu anonzi Kristu.

17 Nezvo zvizvarwa zvose kubvira pana Abhurahamu kusvikira pana Dhavhidhi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pana Dhavhidhi kusvikira pautapwa hokuBhabhironi pane zvizvarwa gumi nezvina. Kubvirawo pahutapwa huya hokuBhabhironi kusvika kuna iye Kristu pane zvizvarwa gumi nezvina.


Kuberekwa kwaJesu
( Ruka 2:1–7 )

18 Uku ndiko kuberekwa kwakaitwa Jesu Kristu. Amai vake Maria vakanga vachangoroorwa naJosefi. Vasati vagara vose Maria akaonekwa ava napamuviri nesimba raMweya Mutsvene.

19 Murume wake Josefi somunhu akanga akarurama, uye pamusana pokusada kumufumura, akafunga zvokumuramba chinyararire.

20 Paakanga achiri kufunga izvi, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kwaari mukurota achiti, “Josefi mwanakomana waDhavhidhi usatye zvako kutora Maria mukadzi wako nokuti pamuviri paanapo akapaita nesimba raMweya Mutsvene.

21 Achapona Mwanakomana waunofanira kutumidza zita rokuti Jesu nokuti achaponesa vanhu vake kuzvitadzo zvavo.”

22 Zvose izvi zvakaitika kuzadzisa zvakanga zvataurwa naTenzi nomuromo womuporofita uya zvokuti:

23 “Tarirai, mhandara ichava napamuviri ichizobereka mwana mukomana. Zita rake richazonzi Imanueri” (zvinoreva kuti Mwari Anesu.)

24 Josefi paakamuka akaita sokuudzwa kwaakanga aitwa nomutumwa waTenzi.

25 Akatora mudzimai wake asi haana kuzivana naye kusvikira apona mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Jesu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies