Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.
Kunamatira mambo

1 Dai TENZI akangokupindurai pazuva renhamo! Dai zita raMwari waJakobho angokudzivirirai.

2 Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera norutsigiro rwake runobva kuZioni.

3 Dai angoyeuka mipiro yenyu yose uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose. Dzepfunde.

4 Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire.

5 Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro. Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira.

6 Zvino ndavakuziva kuti TENZI achabatsira muzodzwa wake, achamupindura ari kudenga rake rinoera nesimba roruoko rwake rworudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro dzehondo; vamwe vanovimba namabhiza asi isu tinovimba nezita raTENZI Mwari wedu.

8 Ivo vachaputsikira pasi vagowa asi isu tichamuka tigomira takati twi.

9 TENZI, Itai kuti mambo akunde, tipindureiwo pazuva ratinodaidzira.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies