Mapisarema 16 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaNhetembo yaDhavhidhi. Munamato wokuvimba naMwari 1 Ndichengetei Mwari nokuti ndinopotera mamuri. 2 Ndinoti kuna TENZI, “Imi ndimi TENZI wangu. Kunze kwenyu imi handina chimwe chakanaka.” 3 Varurami vari munyika ndivo vokumbahuru. Ndinofadzwa kwazvo navo. 4 Vanozvisarudzira mumwe mwari, vanozviwanzira nhamo. Handisi kuzopira kwavari miteuro yeropa. Handifi ndadaidza mazita avo nomuromo wangu. 5 TENZI ndiye mugove wangu nenhaka yangu. Nhaka yangu iri mumaoko ake. 6 Muganhu wangu waenda napakanaka. Hakusi kunaka ikoko kwakaita nhaka yangu. 7 Ndinorumbidza TENZI anondipa mazano kunyange usiku, mwoyo wangu unondinyevera. 8 Ndinoisa TENZI mberi kwangu nguva dzose; nokuti ari kurudyi rwangu, handitsuduguki. 9 Naizvozvo mwoyo wangu unofara, mweya wangu unopembera; kana muviri wangu uchava norugare. 10 Hamungandiregi ndichienda kunzvimbo yavakafa; kana kurega mururami wenyu achipinda muguva. 11 Munondiratidza nzira youpenyu; pamuri ndipo pane rufaro ruzere kurudyi kwenyu kune rufaro nokusingaperi. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe