Mapisarema 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine DhuterokanonikaMuimbisi, rumbo urwu runoimbwa navanezvokuimbisa zvine tambo dzewaya, zvetambo yechisere yamahon'era. Kukumbira Mwari rubatsiro panhamo dzapanyika 1 Tinunureiwo TENZI nokuti hapachisina mutsvene nokuti vakatendeseka vapera pakati pavanhu. 2 Munhu wose ava kungotaurira nhema kune mumwe wake; vanhu vava kutaurirana zvisinganyatsonzwisisika; vanonakisa mukanwa zvenhando vachishandisa mazwi anoreva zvinhu zvakasiana. 3 Dai TENZI angocheka miromo yavanonakisa mukanwa zvenhando, vanoti, 4 “Nezvinobva pamuromo apa, tinokunda; miromo yedu tinayo; ndiani anotitonga.” 5 TENZI anoti, “Zvino ndichasimuka pamusana pavarombo varikupambwa nokugomera kwavatamburi, ndichavapa zvavanosuwira, zvokugara pasina chinovatambudza.” 6 Mazwi aTENZI, mazwi matsvene, akaita sesirivha yakacheneswa muvirira romoto ikagocheneswa kakapetwa kanomwe. 7 Imi TENZI tichengetedzeiwo, tidzivirireiwo nokusingaperi kuchizvarwa ichi. 8 Vakaipa vari kufamba kose kose uipi zvauri kurumbidzwa kudai pakati pavanhu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe