Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Kumuimbisi wokwaDhavhidhi.
Chivimbo chavari pachokwadi

1 Ndinopotera kuna Mwari ko ungagoti kwandiri sei “Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri

2 nokuti tarisai muone kuti vakaipa vatotatamura uta hwavo; vatoisa museve wavo patambo kuti vapfure vakarurama murima.

3 Kana ugaro hwaparadzwa wakarurama angaitei?”

4 TENZI ari muTemberi yake inoera chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga maziso ake anoona, meso ake anoongorora vanhu.

5 TENZI anoedza vakarurama navakaipa asi anovenga wakaipa anoda utsinye.

6 Anonaisa pamusoro pavakaipa mazimbe omoto nesarufa, mhepo inopisa ndiyo ichava mugove womukombe wavanopiwa

7 nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies