Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika


Zvavo vakarurama, vakaipa hameno zvavo

1 Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba,

2 asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati.

3 Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira.

4 Asi hazvisirizvo zvakaita vakaipa, vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.

5 Naizvozvo padare rokutongwa, vakaipa havapamiri uye vatadzi mugungano ravakarurama havamumiri.

6 Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama asi nzira yavakaipa ichaparara.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies