Numeri 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKugadzika nokutungidza mwenje 1 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2 “Udza Aroni kuti paanondogadzika marambi, marambi manomwe anofanira kuvheneka akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje.” 3 Aroni akaita saizvozvo akagadzika marambi akatarisa mberi kwechigadzikiro chomwenje sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 4 Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi. Kuchenurwa nokukumikidzwa kwavaRevhi 5 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 6 “Tsaura vaRevhi mukati muvaIsiraeri uvachenure. 7 Zvauchaita kwavari kuti uvachenure ndezvizvi vasase mvura yokuchenura munhu. Uvati vaveure vhudzi remiviri yavo rose nokusuka hanzu dzavo vazvishambidze ivo pachavo. Naizvozvo vanobva vava vanhu vachenurwa. 8 Ipapo ngavatore handira ichiri duku neupfu hwekoroni hwomupiro wembesanwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Iwe unozotora imwe handira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo. 9 Ukokorodze vaIsiraeri vose umise vaRevhi mberi kwetendhe rinoera. 10 Paunoturira vaRevhi kwandiri Tenzi, vaIsiraeri ngavaise maoko avo pamusoro pavaRevhi, 11 Aroni obva asimudzira maoko ake achiturira vaRevhi kwandiri Tenzi. 12 VaRevhi ngavaise maoko avo pamisoro yehandira dziya. Imwe ndeyechibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo. Imwe yacho ichava yomupiro wokupisa inoitirwa kuchenura vaRevhi. 13 Ita kuti vaRevhi vabatsire Aroni navanakomana vake. Naizvozvo vaite somupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. 14 Aya ndiwo matsauriro auchaita vaRevhi muvaIsiraeri vachibva vava vangu. 15 Kana wachenura vaRevhi nokuvaturira kwandiri somupiro unosimudzirwa uchiturirwa Mwari vachava vanhu vanobvumirwa kuita basa romutendhe rokusanganira. 16 Zvamakatsaura vaRevhi muvaIsiraeri muchivapa kwandiri zvachose vachitora nzvimbo yamatangwe evaIsiraeri, vaRevhi ndavasarudza kuti vave vangu. 17 Matangwe ose mukati mavaIsiraeri ndeangu, ose avanhu neemhuka paya pandakauraya matangwe ose omuIjipiti ndipo pandakavatsaurira ini pachangu. 18 Zvino ndava kuzotora vaRevhi panzvimbo yamatangwe avaIsiraeri. 19 Ndakapa vaRevhi sechipo kuna Aroni navanakomana vake chakabva muvaIsiraeri kuti vaite basa mutendhe rokusanganira vachishandira vaIsiraeri nokuvadzivirira munjodzi dzingavawire kana vakaswedera munzvimbo inoera.” 20 Saka Mosesi naAroni navaIsiraeri vose vakaturira vaRevhi kuna Tenzi sokuudzwa kwakaitwa Mosesi naTenzi. 21 VaRevhi vakazvichenura kuzvitadzo, vakasuka hanzu dzavo. Aroni akasimudza maoko ake achivaturira kuna Tenzi. Aroni akapira mipiro yokuchenura vaRevhi. 22 VaIsiraeri vakaita zvose zvakaudzwa Mosesi naTenzi pamusoro pavaRevhi. Mushure maizvozvo vaRevhi vakaenda kundoita basa ravo rokubatsira Aroni navanakomana vake mutendhe rokusanganira. 23 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 24 “Iri ndiro basa ravaRevhi vose vanenge vava namakore makumi maviri namashanu navane anopfuura iwayo ngavaende kundoita basa romutendhe rokusanganira. 25 Kana vava namakore makumi mashanu ngavazorodzwe kuita basa iroro vachirega kuita basa iroro. 26 Ngavabatsire vamwe vavo vaRevhi kuita basa romutendhe rinoera. Asi ngavarege kuita basa iroro vari vose. Ndiwo murongero waunofanira kuita mabasa avaRevhi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe