Numeri 18 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMabasa avapristi neevaRevhi 1 Tenzi akataurira Aroni achiti, “Kana pane chinokanganiswa pakushanda munzvimbo inoera, mhosva ndeyako iwe navanakomana vako vemhuri yokwako. Asi kana zvava zvebasa roupristi ndiwe navanakomana vemhuri yokwako bedzi muchava nemhosva. 2 Uya nehama dzako dzedzinza rokwaRevhi kuti vaite basa vachibatsira iwe navanakomana vako pamunenge muchishanda mutendhe reuchapupu. 3 Vachava vashandiri venyu uye vachaitawo mabasa ose omutendhe iroro. Asi ngavarege kubata zvemidziyo yomunzvimbo inoera kana kusvika pedyo neatari kuti ivo newe murege kufa. 4 Vachauya kuzobatana newe vari vashandi vomutendhe rinoera vachiita mabasa omo, mumwe munhuwo zvake, ngaarege kuuya kuzokubatsira. 5 Mabasa omunzvimbo inoera, neepaatari, achaitwa nemi chete kuti hasha dzangu dzirege kumukirazve vaIsiraeri. 6 Chinzwa, ini ndini ndasarudza hama dzako vaRevhi pakati pavaIsiraeri, vava chipo chawapiwa. Vapirwa kwandiri kuti vaite basa romutendhe rokusanganira. 7 Asi iwe navanakomana vako ndimi moga muchaita basa roupristi nerezvose zvepaatari neremumupanda unoeresesa museri mejira rokudzikatirisa. Ndiro basa rako. Ndinokupa chipo choupristi. Asi mumwe munhuwo zvake anoedza kuita basa iroro ngaaurayiwe.” Mugove wavapristi 8 Tenzi akataurira Aroni achiti, “Chinzwa, ndakupa zvose zvinosiyiwa zvemipiro yandinopirwa. Zvose zvazvo zvandinoturirwa navaIsiraeri ndazvipa iwe navanakomana vako. Iwoyu ndiwo mugove wako narini narini. 9 Izvozvi ndizvo zvaunopiwa zvinenge zvasiyiwa pamipiro inoeresesa yandinopisirwa navaIsiraeri pamipiro yembesanwa nemipiro yokuchenura munhu nemipiro yokupfupira mhosva. Ndiwo mugove wako navanakomana vako. 10 Zvinhu izvozvi zvinoera, zvidyirei panzvimbo inoera. Ngazvidyiwe navanhurume chete. 11 “Zvimwe zvamuchapiwa navaIsiraeri ndeizvi: zvipo zvemipiro yavo, nemipiro yavo yose inovheyeswa ichipirwa kuna Mwari. Zvinhu izvozvi ndapa iwe navanakomana navanasikana vako. Ndezvenyu narini narini. Ani naani wemhuri yako anenge asina kun'ora anobvumirwa kuzvidya. 12 Ndakupa mafuta ose akanaka eorivhi, newaini yose yakanaka nembesanwa dzose dzakanaka, nemichero yokutanga yavanopa Tenzi. 13 Zvose zvinotanga kuibva zvomuminda yavo zvavanopa Tenzi ndezvako. Munhu wose anenge asina kun'ora wemhuri yako anobvumirwa kuzvidya. 14 “Zvose zvinenge zvatemwa chaizvo kuti zvava zvaTenzi ndezvako. 15 Matangwe ose, chose chinotanga kuzarura nhumbu, angava avanhu kana emhuka avanouya nawo, kuzopira kuna Tenzi, ndeako. Asi dzikinurisa matangwe avanhu neemhuka dzakanora. 16 Matangwe iwayo ngaadzikinurwe mumwedzi wawo wokutanga nemari yesirivha inokwana mashekeri mashanu, shekeri racho rine mwero weshekeri remunzvimbo inoera iine uremu hwamagiramu gumi nemaviri. 17 Asi usadzikinurise matangwe emombe kana ehwai kana embudzi. Anoera. Sasa ropa rawo paatari upire mafuta awo uite mupiro unoita zvokupiswa nemoto, kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. 18 Asi nyama yacho ndeyako sezvakaita chityu nechidya chokurudyi zvomupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi, ndezvako. 19 Mipiro yose inoera inosimudzirwa ichipirwa kuna Tenzi navaIsiraeri ndapa iwe navana vako vakomana navasikana narini narini. Ichocho chitenderano chomunyu, chaTenzi nemi, ndochitenderano chinozadziswa nokudya chichagara chiripo pazvizvarwa zvenyu zvose.” 20 Tenzi akati kuna Aroni, “Iwe hauwani nhaka munyika yavaIsiraeri kana kupiwa mugove pakati pavo. Ini ndini mugove wako nenhaka yako muvaIsiraeri. Mugove wavaRevhi 21 “Ndapa vaRevhi nhaka yechegumi chose chandinopiwa navaIsiraeri. Ndiwo mugove wavanopiwa pamusana pebasa ravanoita mutendhe rokusanganira. 22 VaIsiraeri ngavachirega kusvika pedyo netendhe rokusanganira nokuti vangadaro vakapara mhosva vakafa, 23 asi vaRevhi ndivo vachaita basa romutendhe rokusanganira, ivo vangapare mhosva. Murao iwoyu uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa zvenyu. Pakati pavaIsiraeri vose vaRevhi havana nhaka. 24 Chegumi chavaIsiraeri chavanounza kuzopira kuna Tenzi ndachipa kuvaRevhi senhaka yavo ndokusaka ndati havana nyika yenhaka mukati mavaIsiraeri.” Chegumi chinobviswa navaRevhi 25 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 26 “Udza vaRevhi kuti, kana magamuchira chegumi chinobviswa navaIsiraeri chandinokupai chichibva kwavari senhaka bvisai mupiro pachiri mupire kuna Tenzi, chiri chegumi pane chegumi ichocho. 27 Chegumi ichocho chamunobvisa chichanzi ndicho mupiro wenyu wakafanana nemupiro wembesanwa dzinotanga kupurwa paburiro, newewaini itsva inotanga kusvinwa muchisviniro. 28 Saka imi bvisaiwo chipo chokupira Tenzi chichibva pane zvegumi zvose zvamunogamuchira zvinobva kuvaIsiraeri. Pane zvegumi izvozvo bvisai mugove waMwari mupe Aroni mupristi. 29 Pamipiro yose inounzwa kwamuri, sarudzai zvaTenzi zvakanakisisa zvazvo zvive zvinoera zvinopirwa kuna Tenzi. 30 Saka taurira vaRevhi kuti, kana mapira Tenzi chakanakisisa pazviri, zvinenge zvasara ndezvevaRevhi, sezvinoita murimi anopira mupiro wake wembesanwa dzokutanga, newewaini inotanga kusvinwa muchisviniro. 31 Imi nemhuri dzenyu dyirai zvinenge zvasara pose pose pamunoda nokuti mubairo wenyu wamunopiwa wokushanda mutendhe rokusanganira kwamunoita. 32 Hamuzovi nemhosva yacho kana mukatanga mapira zvakanakisisisa zvacho. Ipapo hamuzon'oresi mipiro inoera yavaIsiraeri, uye hamuzofi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe