Numeri 10 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMabhosvo esirivha 1 Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2 “Pfurai mabhosvo esirivha maviri anoridzirwa vaIsiraeri kuti vaungane uyewo panguva yokuti vachitama. 3 Kana kwaridzwa mabhosvo maviri vaIsiraeri vose ngavaungane kwaunenge uri kumusuo wetendhe rokusanganira. 4 Asi kana kwaridzwa bhosvo rimwechete, vakuru vakuru vatungamiriri vamadzinza avaIsiraeri ngavaungane kwaunenge uri. 5 Kana mabhosvo aridzwa setsuri, madzinza akadzika matendhe awo kumabvazuva kwetendhe rinoera ngaasimuke atange rwendo. 6 Kana mabhosvo aridzwa setsuri kechipiri, madzinza akadzika matendhe awo kumaodzanyemba kwetendhe rinoera ngaapinde munzira. Tsuri ngairidzwe nguva dzose dzavanosungirwa kutama. 7 Asi kana zviri zvokuti vanhu vaungane ngakuridzwe mabhosvo asingaridzwi setsuri. 8 Mabhosvo ngaaridzwe navanakomana vaAroni vapristi. “Kwamuri, murao wangu wezvemabhosvo, murao uchagara uripo pazvizvarwa zvenyu zvose. 9 Kana mava kuenda kundorwisa vavengi venyu vanenge vakudenhai munyika yenyu, chamunozivisa nacho kuti tava kundorwa, kuridza bhosvo kuti ini Tenzi Mwari wenyu ndigokuyeukai ndikununurei pavavengi venyu. 10 Pamazuva enyu okufara, napamazuva enyu makuru, napakupemberera kugara kwemwedzi mitsva, namamwewo mazuva enyu makuru, ridzai mabhosvo iwayo. Aridzeiwo pamunouya nemipiro yokuwadzana. Ipapo ini Mwari ndichakuyeukai. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro.” Kutama kwavaIsiraeri paSinai 11 Pazuva ramakumi maviri romwedzi wechipiri mugore rechipiri rokubva kwavaIsiraeri kuIjipiti; gore riya rakanga rakafukidza tendhe rechitenderano rakasimudzwa. 12 VaIsiraeri vakasimuka pagwenga reSinai, vakafamba rwendo rwavo vachimbomira, nzvimbo nezvimbo. Gore riya rakandomira murenje reParani. 13 Vanhu vakatangisa kufamba sokuudzwa kwakanga kwaitwa Mosesi naTenzi. 14 Vanhu vomureza wedzinza raJudha ndivo vakatanga kufamba vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naNahishoni mwanakomana waAminadhabhi. 15 Aitungamirira dzinza rokwaIsiraeri ndiNetaneri mwanakomana waZuari. 16 Aitungamirira dzinza rokwaZebhuruni ndiEriabhu mwanakomana waHeroni. 17 Paibviswa tendhe rinoera mhuri yokwaGerishoni neyokwaMerari vaitakura tendhe rinoera vaitakura vachibva vatangisa kufamba. 18 Vaiteverwa nevanhu vedzinza rokwaRubheni vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErizuru mwanakomana waShedheuri. 19 Sherumieri mwanakomana waZurishadhai ndiye aitungamirira dzinza rokwaSimeoni. 20 Eriasafi mwanakomana waDheueri ndiye aitungamirira dzinza rokwaGadhi. 21 Vemhuri yokwaKohati vaibva vapindawo munzira vakatakura zvinhu zvinoera. Tendhe rinoera raifanodzikwa vasati vasvika. 22 Vanhu vomureza wedzinza rokwaEfuremu, vaiteverawo vari mumapoka avo. Vaitungamirirwa naErishama mwanakomana waAmihudhi. 23 Dzinza rokwaManase raitungamirirwa naGamarieri mwanakomana waPedhazuru. 24 Dzinza rokwaBhenjamini raitungamirirwa naAbhidhana mwanakomana wokwaGideoni. 25 Vanhu vomureza wedzinza raDhani, ndivo vaipedzisera kusimuka, vachitsigira vari shure, vari mumapoka avo. Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai ndiye aivatungamirira. 26 Pagieri mwanakomana waOkirani ndiye aitungamirira dzinza rokwaAsheri. 27 Dzinza rokwaNafutari raitungamirirwa naAhira mwanakomana waEnani. 28 Aya ndiwo mafambiro aiita vaIsiraeri vari mumapoka avo pavainge vopinda murwendo rwavo. 29 Mosesi akataura naHobhabhi mwanakomana waReueri, vatezvara vake vorudzi rwavaMidhiani achiti, “Zvino tava kuzopinda murwendo rwokuenda kunyika yatakanzi naTenzi tichazopiwa. Mwari akatsidzira vaIsiraeri kuti vachabudirira. Saka handei tose. Tichazokupaiwo pfuma yatichawana taveko.” 30 Hobhabhi ndokuti, “Kwete! Handiendi nemi. Asi ndichadzokera kunyika yangu kune hama dzangu.” 31 Mosesi akati, “Ndapota musatisiye. Imi munoziva kwatingandodzika matendhe murenje. Ndimi mungatotitungamirira. 32 Kana mukaenda nesu tichazokamurirana makomborero ose atichapiwa naTenzi.” VaIsiraeri vanopindazve murwendo rwavo 33 VaIsiraeri pavakabva pagomo raTenzi riya vakafamba mazuva matatu. Bhokisi rechitenderano chaTenzi rakafanotungamira mazuva matatu kundovatsvakira pokudzika matendhe avo. 34 Masikati gore raTenzi rainge riri pamusoro pavo pavaibva panzvimbo imwe neimwe yavainge vadzika matendhe avo. 35 Paitangisa bhokisi rechitenderano kufamba, Mosesi aiti, “Tenzi wee! Simukai vavengi venyu vaite chimwandamwanda, vanokuvengai vakutizei.” 36 Parainge razomira Mosesi aiti, “Tenzi! Chidzokai kune zviuru nezviuru zvavaIsiraeri.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe