Mupiro 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaChibayiro chinopiswa mutumbi wose 1 Tenzi akadaidza Mosesi mutendhe rokusanganira akataura kwaari achiti, 2 “Taurira vaIsiraeri kuti, ‘Kana munhu achida kuunza mupiro kuna Tenzi, ngaaunze chibayiro chake chezvipfuwo, chingave mombe kana hwai kana mbudzi.’ 3 “Kana mupiro wake wokupisa iri mombe, ngaaunze yomukono, isina chinoshoreka pairi. Ngaauye nayo kumusuwo wetendhe rinoera kuti Tenzi amugamuchire. 4 Munhu iyeyo ngaaise ruoko rwake pamusoro wechibayiro chokupisa ichocho. Chibayiro ichocho chichatora nzvimbo yake kuti chipfupire zvitadzo zvake. 5 Munhu iyeyo ngaaurayire handira yake pamberi paTenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavapire ropa rayo kuna Tenzi, vachirisasa pamativi mana eatari yokumusuwo wetendhe rokusanganira. 6 Muridzi wemupiro wokupisa iwoyo ngaaivhiye, aiteme-teme. 7 Vana vaAroni mupristi, vachaisa moto paatari varonge huni pamoto iwoyo. 8 Vana vaAroni vapristi ngavaronge nyama iya yatemwa-temwa zvose nomusoro wayo, namafuta ayo pamusoro pehuni dziri kubvira paatari. 9 Muridzi wayo ngaaisuke nemvura, zvomukati zvayo nemazondo ayo. Muprisiti ngaapisire zvose izvozvo paatari, somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. 10 “Kana chipo chake chemupiro wokupisa chiri hwai kana kuti mbudzi, ngaive hono isina chinoshoreka pairi. 11 Ngaaiurayire kuchamhembe kweatari, pana Tenzi. Vapristi vemhuri yokwaAroni ngavasase ropa rayo pamativi mana ose eatari. 12 Munhu iyeyo ngaaiteme-teme nomusoro wayo namafuta ayo, mupristi ngaaironge paatari, ayo pamusoro pehuni dziri kubvira moto paatari. 13 Muridzi wayo ngaasuke nemvura zvomukati zvayo nemazondo ayo. Mupristi ngaapisire zvose izvozvo somupiro wokupisa, mupiro unoitwa zvokupisa nomoto, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi. 14 “Kana munhu achida kupira kuna Tenzi somupiro wake wokupisa weshiri ngaaunze chipo chenjiva kana kuti hangaiwa duku. 15 Mupristi ngaaiunze paatari, aimonye mutsipa, idimuke musoro, aipise paatari. Ropa rayo ngariregwe richibuda richiyerera, richidzika neparutivi rweatari. 16 Ngaabvise chihururu neminhenga yayo azvirasire panorasirwa dota kumabvazuva kweatari. 17 Ngaabate mapapiro ayo aitsemure nepakati, asi ngaarege kuikwachura. Mupristi iyeyo ngaaipisire paatari, pahuni dziri kubvira moto paatari, somupiro wokupisa, unoitwa zvokupisa, unonhuhwirira zvinofadza Tenzi.” |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe