Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mariko 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


I: ZVAKAITIKA JESU ASATI ATANGISA BASA RAKE Kuparidza kwaJohani Muombeki
( Mat 3:1–12 ; Ruka 3:1–18 ; Joh 1:19–28 )

1 Uku ndiko kutanga kweShoko Rakanaka raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari,

2 sokunyorwa kwazvakaitwa muna Isaya muporofita zvichinzi, “Chiona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, ichagadzirira nzira yako.

3 Izwi reanodaidzira ari murenje, achiti, ‘Gadzirirai mugwagwa waTenzi, ruramisai nzira dzake.’ ”

4 Kurenje kwakazova naJohani aiombeka, achiparidza ruombeko rwokuti vanhu vapinduke varegererwe zvitadzo zvavo.

5 Nyika yose yeJudhea navanhu vose veJerusaremu vakakotonokera kwaari vakaombekwa naye murwizi rwaJorodhani vachireurura zvitadzo zvavo.

6 Johani aipfeka nguwo yemvere dzengamera, aine bhande reganda muchiuno chake. Aidya hwiza nouchi hwomusango.

7 Aiparidza achiti, “Mushure mangu muri kuuya ane simba kupinda ini. Ini handikodzeri kukotama ndichisunungura rukanda rweshangu dzake.

8 Ini ndakuombekai nemvura asi iye achakuombekai naMweya Mutsvene.”


Kuombekwa kwaJesu nokuedzwa kwake
( Mat 3:13—4:22 ; Ruka 3:21–22 ; 4:1–13 )

9 Zvino pamazuva iwayo Jesu akauya achibva kuNazareti yokuGarirea akaombekwa naJohani muna Jorodhani.

10 Achangoti budei mumvura, akaona matenga achizaruka naMweya achiburukira pamusoro pake senjiva.

11 Izwi rakabva kudenga richiti, “Iwe ndiwe Mwanakomana wangu wapamwoyo, anondifadza zvikuru.”

12 Pakarepo Mweya akamuendesa kurenje.

13 Akagara murenje mazuva makumi mana achiedzwa naSatani. Imomo aingova nemhuka dzomusango, asi vatumwa vakanga vachimushandira.


II: KUPARIDZA KWAJESU MUDUNHU REGARIREA Jesu anodaidza vabvuvi vana
( Mat 4:12–22 ; Ruka 4:14–15 ; 5:1–11 )

14 Kuzoti Johani asungwa, Jesu akaenda Garirea kundoparidza Shoko Rakanaka raMwari

15 achiti, “Nguva iya yazokwana zvino, umambo hwaMwari hwava pedyo. Chipindukai mutendhe Shoko Rakanaka.”

16 Jesu akati achipfuura napagungwa reGarirea akaona Simoni naAndireya munun'una wake vachikanda usvasvi mugungwa nokuti vaiva vabvuvi vehove.

17 Jesu akati kwavari, “Nditeverei, ndigokuitai kuti muve vabvuvi vavanhu.”

18 Pakarepo vakasiya usvasvi hwavo, vakamutevera.

19 Kuzoti angoti fambe–fambei zvishoma, akaona Jemusi mwanakomana waZebhedhi naJohani munun'una wake vari mugwa ravo vachigadzira usvasvi.

20 Pakarepo Jesu akavadaidza; ivo vakasiya baba vavo Zebhedhi navashandi vari mugwa, vakatevera Jesu.


Murume aiva nomweya wakaipa
( Ruka 4:31–37 )

21 Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo.

22 Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo.

23 Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba

24 achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.”

25 Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!”

26 Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari.

27 Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.”

28 Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea.


Jesu anoporesa vanhu vazhinji
( Mat 8:14–17 ; Ruka 4:38–41 )

29 Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani.

30 Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo.

31 Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira.

32 Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa.

33 Guta rose rakaungana pamusuo.

34 Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva.


Jesu anoparidza muGarirea
( Ruka 4:42–44 )

35 Mangwanani–ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko.

36 Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka.

37 Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.”

38 Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.”

39 Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa.


Jesu anoporesa munhu aiva namaperembudzi
( Mat 8:1–4 ; Ruka 5:12–16 )

40 Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.”

41 Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.”

42 Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa.

43 Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo

44 achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.”

45 Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies