Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 8 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muimbisi, rumbo urwu rwaAsafu, rwunoimbwa maimbiro evokwaGati. Rumbo rwaDhavhidhi.
Ukuru ukuru hwezita raMwari nechiremera chomunhu

1 TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu pasi pose zvapo. Imi mune mbiri inorumbidzwa kumusoro kwamatenga

2 nemiromo yavacheche neyepwere, makaisa chokuzvidzivirira nacho kumhandu dzenyu, kudzimura vavengi navatsividzi.

3 Ndikati tarisei zvangu kumatenga enyu, amakaita neminwe yenyu, mwedzi nenyenyedzi zvamakaisamo? Ndinoti:

4 “Munhu chiiwo zvake wamunorangarira, iye munhuwo zvake wamunochengeta

5 asi imi makatoita kuti munhu asiye paduku duku kuti ave saMwari. Muchimupa chiremba chembiri norukudzo.

6 Makaita kuti ave ndiye anotonga mabasa amaoko enyu, mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake,

7 zvose: hwai nemombe uyewo mhuka dzomusango

8 neshiri dzedenga nehove dzegungwa dzinofamba nomunzira dzomugungwa.

9 TENZI Mwari wedu hakusi kukura ikoko kwakaita zita renyu.”

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies