Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 5 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Munamato wamangwanani wokukumbira kuchengetedzwa
Kumuimbisi anezvokuimbisa zvine hungiso. Rwiyo rwaDhavhidhi.

1 TENZI, teererai zvandinotaura, rangarirai kuungudza kwangu.

2 Inzwai izwi rokuchema kwangu, Mwari wangu naMambo wangu nokuti ndinonamata kwamuri.

3 TENZI, mangwanani, munonzwa izwi rangu. Kumangwanani, ndinokugadzirirai chibayiro ndomirira.

4 Nokuti hamusi Mwari anofarira uipi, uipi haugone kuita musha pamwechete nemi.

5 Vanozvikudza havangagoni kumira pamberi penyu, munovenga vaiti vose vezvakaipa.

6 Munoparadza vanotaura nhema TENZI anovenga vanhu vanoda kudeura ropa navanhu vanonyengedza.

7 Asi pamusana pemwoyochena wenyu wakawanda; ndichapinda mumba menyu. Ndichanamata ndichikuremekedzai ndakaringira kuTemberi yenyu inoera.

8 Nditungamirireiwo TENZI, nokururama kwenyu, nokuti ndine mhandu. Ndijekesereiwo nzira yamunoda kuti ndifambe nayo.

9 Nokuti hapana chavanotaura chechokwadi. Zviri pamwoyo pavo chaizvo ndezvokuda kuparadza; gurokuro ravo iguva rakashama vanonyengedza norurimi rwavo.

10 Ngavabatwe nemhosva yavo, Mwari. Zvavakarangana izvozvo zvivaputsire pasi. Pamusana pezvikanganiso zvavo zvakawanda, vadzingei nokuti vakakupandukirai.

11 Asi vanopotera mamuri ngavafare, varambe vachiimba nomufaro. Imiwo vadzivirirei, kuitira kuti vanoda zita renyu vapembere nokufara mamuri.

12 Nokuti imi TENZI munokomborera mururami, munomudzivirira senhoo nemweya wenyu wakanaka.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies