Mapisarema 21 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMuimbisi, urwu rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo rwokukurira 1 Mambo anofara nesimba renyu, TENZI, anofarira zvikuru kuponesa kwenyu. 2 Makamupa zvaiva pamwoyo pake uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nomuromo wake. Dzepfunde 3 Makamuchingura nezvikomborero zvakanaka mukamugadza chiremba chendarama chakanakisisa mumusoro make. 4 Akakukumbirai upenyu mukamupa, mazuva akawanda nokusingaperi. 5 Ano mukurumbira mukuru pamusana porubatsiro rwenyu rwunoponesa. Makamupa umambo norukudzo. 6 Nokuti makaisa zvikomborero zvenyu paari nokusingaperi uye anofara nokuvapo kwenyu 7 nokuti mambo anovimba naTENZI uye haambosudurutswa pamusana pemwoyochena wanyakumusorosoro. 8 Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose. Ruoko rwenyu ruchabata vanokuvengai. 9 Muchavaita sevira romoto pamuchazviratidza TENZI achavamedza nehasha dzake, vacharoromeswa nomoto. 10 Muchaparadza vana vavo panyika uyewo vana vavo pakati pavanhu. 11 Kana zvavo vakafunga zvakaipa zvokukuitirai, kana vakaronga mazano akaipa havambobudirira 12 nokuti muchavamhanyisa makanongedza uta hwenyu kuuso hwavo. 13 Munofanira kurumbidzwa zvenyu, imi TENZI, pamusana pesimba renyu. Tichaimba tichirumbidza simba renyu. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe