Mapisarema 20 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaMuimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi. Kunamatira mambo 1 Dai TENZI akangokupindurai pazuva renhamo! Dai zita raMwari waJakobho angokudzivirirai. 2 Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera norutsigiro rwake runobva kuZioni. 3 Dai angoyeuka mipiro yenyu yose uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose. Dzepfunde. 4 Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire. 5 Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro. Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira. 6 Zvino ndavakuziva kuti TENZI achabatsira muzodzwa wake, achamupindura ari kudenga rake rinoera nesimba roruoko rwake rworudyi. 7 Vamwe vanovimba nengoro dzehondo; vamwe vanovimba namabhiza asi isu tinovimba nezita raTENZI Mwari wedu. 8 Ivo vachaputsikira pasi vagowa asi isu tichamuka tigomira takati twi. 9 TENZI, Itai kuti mambo akunde, tipindureiwo pazuva ratinodaidzira. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe