Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 19 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.
Kunaka kwakaita zvisikwa nemirao yaMwari

1 Matenga anoparidza mbiri yaMwari, ziendanakuenda rinodura pachena mabasa aMwari.

2 Zuva roga roga rinotaura kusvika kune rimwe, nousiku humwe hunotsvitsa kunohumwe ruzivo irworwu.

3 Hapana kutaura kana mashoko kana izwi rawo rinonzwika.

4 Asi izwi rawo rinosvika pasi pose, mazwi avo anosvika kwakaperera nyika, akaitira zuva musha maari

5 rinobuda somukuwasha mumba make somurume ane simba, rinomhanya nzira yaro norufaro.

6 Rinobuda kwakaperera denga richifamba kundosvika kumwe kwarinogumira. Hakuna chingavande kupisa kwaro.

7 Mutemo waTENZI mutemo uzere, unomutsiridza munhu. Kupupurira kwaTENZI ndokwechokwadi, kunopa ungwaru kuna vasina njere.

8 Zvirongwa zvaTENZI zvakarurama, zvinofadza mwoyo. Murau waTENZI mutsvene tsvene unovhenekera maziso.

9 Kutya Mwari chinhu chakachena, chinogara nokusingaperi mitemo yaTENZI iri pachokwadi uye yakarurama kwazvo.

10 Inofanira kudiwa kukunda ndarama, kutopinda ndarama yakanakisisa, inotapirawo kupinda uchi kupinda musvisvi wezinga rouchi.

11 Uyewo unoyambira muranda wenyu kuichengeta kunowanisa mubayiro mukuru.

12 Asi ndiani angaone zvikanganiso zvake; ndicheneseiwo kunezvikanganiso zvakavanda.

13 Ndidzivirireiwo ini muranda wenyu kuzvitadzo zvokuita ndichida. Ngazvirege kunditonga. Naizvozvo ndichava munhu asina mhosva uye asina kupara mhosva huru.

14 Dai mazwi angu nepfungwa dzemwoyo wangu zvangove zvinogamuchirika kwamuri, imi TENZI, bako rangu nomununuri wangu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies