Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 18 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muimbisi, urwu rumbo rwaDhavhidhi muranda waMwari. Dhavhidhi akadetemba mazwi erwiyo urwu kuna TENZI paakamununura mumaoko avavengi vake vose nomumaoko aSauro achiti:
Rwiyo rwaDhavhidhi rwokukunda

1 Ndinokudai TENZI, imi simba rangu.

2 TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo.

3 Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga.

4 Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa.

5 Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra.

6 Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake.

7 Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa.

8 Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto.

9 Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake.

10 Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo.

11 Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho.

12 Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto.

13 TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto.

14 Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara.

15 Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu.

16 Akandisveerera ruoko ari kumusoro akanditora, akandinyurura mumvura zhinji.

17 Akandinunura kuvavengi vangu vane simba nokuna vaindivenga, nokuti vaiva nesimba kupinda ini.

18 Vakandivinga pazuva renhamo dzangu, asi TENZI ndiye akava musimboti wangu.

19 Akandiburitsamo akanditi murusununguko tupfunu, akandinunura nokuti anondifarira.

20 TENZI akandipa mubayiro, maererano nokururama kwangu, akandidzorera zvinofambiranawo, nokuchena maoko kwandakaita; akandipa mubayiro

21 nokuti ndakarambira ndiri mumakwara aTENZI; handina kuita chakaipa chokusiyana naMwari wangu,

22 nokuti chainditungamirira, zvirongwa zvake zvose, mirawo yake handina kuibvisa kwandiri.

23 Kwaari, handina chinoshoreka. Ndakazvichengeta ndisina mhosva.

24 Ndokusaka TENZI andidzorerawo maererano nokururama kwangu zvichifambiranawo nokuchena kwamaoko angu mukuona kwake.

25 Kuna akatendeka imi makatendeka, kune akarurama imi makarurama.

26 Kuna ane mwoyo wakanaka imi makanaka, asi kune ane muitiro wakakombama, imiwo munobva mavava.

27 Munonunura vanotambudzika, asi vanozvikudza, munovaorora.

28 Sezvo imi TENZI murimi mwenje wangu, imi Mwari wangu ndimi munondivhenekera murima;

29 nokuti nemi ndinoparadza chikwata chavarwi, ndiina Mwari wangu, rusvingo ndinosvetuka.

30 Mwari uyu, nzira dzake dzakarurama, zvinotaurwa naTENZI ndezvechokwadi inhoo yavose vanopotera kwaari.

31 Ndiani Mwari, kunze kwaTENZI? Ndiani dombo kunze kwaMwari wedu?

32 Ndiye Mwari akandipa simba akaita kuti nzira yangu ifambike.

33 Makumbo angu anoaita seengururu, kunyange pamangoringori anoita kuti ndimire.

34 Anodzidzisa maoko angu kurwa hondo zvokuti kunyange uta hwendarira, maoko angu anogona kutatamura.

35 Ruponeso rwenyu ndiyo nhoo yamakandipa, rudyi rwenyu rwakanditsigira. Rubatsiro rwenyu rwakaita kuti ndive mukuru mukuru.

36 Pokutsika netsoka dzangu, makandipa pakuru zvokuti tsoka dzangu, kutsvedzemuka hadzina.

37 Ndakaronda vavengi vangu ndikavabata, ndikatozofuratira vapera kuti dhu.

38 Ndakavapwanya-pwanya zvokuti havana kukwanisa kumuka, vakati rakata pasi petsoka dzangu.

39 Makandipa simba rokurwa hondo mukaita kuti vavengi vangu vandigwadamire.

40 Vanondivenga makaita kuti vanditize vanondivenga ndikavaparadza.

41 Vakachemera rubatsiro asi panga pasina wokuvanunura, vakachema kuna TENZI asi haana kuvapindura.

42 Ndakavakuya-kuya seguruva revhu ndakavarasa sedhaka munzira.

43 Makandinunura mumhirizhonga yomumba mangu makandiita musoro wendudzi dzavanhu vanhu vandakanga ndisingamboziva vakandishandira.

44 Vatorwa vaiuya kwandiri vachitodemba, vaiti vakangondinzwa chete vainditeerera.

45 Vatorwa vakarasa mwoyo, vakabuda munhare dzavo vachidedera.

46 TENZI mupenyu, iye dombo rangu, ngaarumbidzwe, ngaatunhidzwe Mwari, muponesi wangu.

47 Mwari anonditsivira anondiisira ndudzi dzavanhu pasi pangu

48 akandipunyutsa kuvavengi vangu. Makandisumudzira pamusoro pavavengi vangu, mukandinunura kuvanhu vehondo.

49 Naizvozvo ndinokurumbidzai imi TENZI mukati mendudzi ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.

50 Anopa mambo wake kukunda kukuru kwazvo, anoitira mwoyochena muzodzwa wake Dhavhidhi nezvizvarwa zvake narini wose.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies