Mapisarema 14 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKumuimbisi waDhavhidhi. Uipi hwavanhu 1 Benzi rinoti nechomumwoyo, “Hakuna Mwari.” Vane tsika dzakaora; vanoita zvinhu zvinosemesa; hapana anoita zvakanaka. 2 TENZI ari kudenga anotarisa pasi kuvanhu kuti aone kana pane vanoita zvino ungwaru; vanotsvaka Mwari. 3 Vose vakatetereka; vose vakangofanana; vane tsika dzakaora. Hapana anoita zvakanaka, kana mumwechete zvake. 4 “Havanzwisisi here, ivo vaiti vezvakaipa vose vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa?” Havacheme kuna TENZI. 5 Ipapo vachabatwa nokutya kukuru nokuti Mwari ari pamwe nechizvarwa chavakarurama. 6 Imi munopongesa mazano omurombo asi TENZI ndiye diziro rake. 7 Dai ruponeso rweIsiraeri rwangobva kugomo reZioni. Kana TENZI ava kudzosa vaIsiraeri kuutapwa, vokwaJakobho vachapembera vokwaIsiraeri vachafara. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe