Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 12 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


Muimbisi, rumbo urwu runoimbwa navanezvokuimbisa zvine tambo dzewaya, zvetambo yechisere yamahon'era.
Kukumbira Mwari rubatsiro panhamo dzapanyika

1 Tinunureiwo TENZI nokuti hapachisina mutsvene nokuti vakatendeseka vapera pakati pavanhu.

2 Munhu wose ava kungotaurira nhema kune mumwe wake; vanhu vava kutaurirana zvisinganyatsonzwisisika; vanonakisa mukanwa zvenhando vachishandisa mazwi anoreva zvinhu zvakasiana.

3 Dai TENZI angocheka miromo yavanonakisa mukanwa zvenhando, vanoti,

4 “Nezvinobva pamuromo apa, tinokunda; miromo yedu tinayo; ndiani anotitonga.”

5 TENZI anoti, “Zvino ndichasimuka pamusana pavarombo varikupambwa nokugomera kwavatamburi, ndichavapa zvavanosuwira, zvokugara pasina chinovatambudza.”

6 Mazwi aTENZI, mazwi matsvene, akaita sesirivha yakacheneswa muvirira romoto ikagocheneswa kakapetwa kanomwe.

7 Imi TENZI tichengetedzeiwo, tidzivirireiwo nokusingaperi kuchizvarwa ichi.

8 Vakaipa vari kufamba kose kose uipi zvauri kurumbidzwa kudai pakati pavanhu.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies