Mapisarema 11 - Bhaibhiri Idzva rechiShonaKumuimbisi wokwaDhavhidhi. Chivimbo chavari pachokwadi 1 Ndinopotera kuna Mwari ko ungagoti kwandiri sei “Bhururukira kumakomo okwenyu, kunge shiri 2 nokuti tarisai muone kuti vakaipa vatotatamura uta hwavo; vatoisa museve wavo patambo kuti vapfure vakarurama murima. 3 Kana ugaro hwaparadzwa wakarurama angaitei?” 4 TENZI ari muTemberi yake inoera chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga maziso ake anoona, meso ake anoongorora vanhu. 5 TENZI anoedza vakarurama navakaipa asi anovenga wakaipa anoda utsinye. 6 Anonaisa pamusoro pavakaipa mazimbe omoto nesarufa, mhepo inopisa ndiyo ichava mugove womukombe wavanopiwa 7 nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake. |
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.
Bible Society of Zimbabwe