Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Isaya 1 - Bhaibhiri Idzva rechiShona


I: NDIMA YOKUTANGA YEBHUKU RAISAYA A: ZVAKATAURWA NOMUPOROFITA ACHIPOROFITA, HONDO YAVAASIRIA NOVOKWAEFUREMU ISATI YARWIWA

1 Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusaremu panguva yokutonga kwamadzimambo aya okwaJudha anoti Uziya naJotamu naAhazi naHezekia.


Mhosva inopiwa vaIsiraeri naMwari

2 “Teerera iwe denga, unzwewo iwe nyika nokuti ini Tenzi ndava kutaura, ‘Ndakarera vana ini ndikavayarutsa asi ivo vakandipandukira.

3 Mombe inoziva muridzi wayo kana dhongi rinozivawo parinopirwa zvokudya nomuridzi waro asi Isiraeri haimboziva zvayo, vanhu vangu havambonzwisisa.’ ”


Kurangwa kuchaitwa Judha

4 Zvichakuwanai zvenyu rudzi rwavanhu vezvitadzo! Iyemi vanhu vazere uipi, imi zvizukuru zvavaiti vezvakaipa, vana vane muitiro wakaora. Makandiramba imi, ini Tenzi, mukandishora ini Anoera weIsiraeri, mukanyatsondipa zvenyu gotsi.

5 Munodirei kuti shamhu irambe iri pamusana wenyu, zvaunodai kuramba makapanduka? Musoro wase wanyeka namaronda, mwoyo wako wose wachiti rukutu.

6 Kubvira pasi petsoka kusvikira pamusoro hapana papenyu, dzangova mbonje namavanga, angova maronda ari kubuda ropa asina kusvinwa kana kusungwa kana kupfaviswa zvako namafuta.

7 Nyika yenyu yangova nyikawo zvayo maguta enyu aririmiswa nomoto nyika yenyu yarozvwa namabvakure, yangova nyika sokunge yakurirwa namabvakure imi makatarisa.

8 Iwe mukunda weZioni Jerusaremu, wasara wangove sekatumba kemumunda wamagirepisi sakadushwa kari mumunda wamagaka seguta rakombwa.

9 Dai Tenzi wehondo nehondo asina kutisiyira zvake chitsama chavakapunyuka, tingadai takaita hweSodhomu kana kuita hweGomora.


Unyengedzi haudiwi naMwari

10 Chiteererai munzwe shoko raTenzi, iyemizve vatongi veSodhomu! Teererai munzwe mutemo waMwari wedu iyemizve vanhu veGomora.

11 Zvanzi naTenzi, “Ndinei ini nokuwanda kwezvibayiro zvenyu? Mipiro yokupisa yehondohwe neyemafuta emhuka dzakakodzwa zvandifinha ini; handisisiri kufadzwa neropa rehandira kana rehwayana kunyange rezvikotora.

12 Ipo pamunouya kwandiri kuzonamata, ndiani chaizvo anenge achida kuti muzotsokodzere zvenyu nhandare dzangu?

13 Chiregai kunge muchauya nemipiro isina maturo rusenzi runondisemesa. Mazuva enyu okugara kweMwedzi namaSabata nemisangano yamunokokerana kukanyanisa ikoku, nokuti musangano mukuru wezvokunamata pamwechete nouipi, zvandifinha.

14 “Mazuva Makuru enyu oKugara kwoMwedzi namazuva makuru akatemwa, mwoyo wangu hauzvidi. Kwandiri yave nhamo chaiyo yokuzvitakura, ndaneta ini nokuzvitakura.

15 Pamunosimudza maoko mudenga ini ndichatarisa rutivi, kunyange pamunogoorera kunamata handiteereri, maoko enyu azere ropa.

16 Shambai muzvichenese, bvisai zviito zvenyu zvakaipa mumaziso mangu. Kandai pasi uipi.

17 Dzidzai kuita zvakanaka, onai kuti kuri kutongwa zvino ruenzaniso vanodzvinyirira vanhu ngavagadziridzwe. Miririrai nherera muchireverera chirikadzi.”

18 Zvanzi naTenzi, “Kana madaro mochiuya zvenyu titaurirane, kunyange zvazvo zvitadzo zvenyu zvakatsvuka seropa, zvichati mbu-u kuchena somukaka, kunyange zvakati piriviri kutsvuka zvichati mbu-u kuchena sedonje.

19 Kana mukada zvokuteerera muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika.

20 Asi mukaramba muchipanduka, bakatwa richakutsakatisai nokuti ndini Tenzi ndazvireva nomuromo wangu.”


Kuchema uipi hweJerusaremu

21 Zvauya sei chokwadi kuti guta rakanga rakatendeka riite senzenza kudai guta rakanga rizere noruenzaniso. Ururami ndomaiva mumusha mahwo asi zvino mava memhondi.

22 Sirivha yako haisisina maturo, waini yako yashapiswa nemvura.

23 Machinda ako vapanduki neshamwari dzembavha Munhu wose ava kutarisira pfumbamuromo, ava kungomhanyira kupiwa zvipo, havamiririre nherera nhamo dzechirikadzi, mumusoro hadzivapindi.

24 Naizvozvo Tenzi anotaura, iye Tenzi wehondo nehondo, iye Samasimbaose weIsiraeri achiti, “Chiregai zvenyu muchiona, ndochipedzera hasha dzangu pavanhu vanondivenga ndichitsividza mhandu dzangu.

25 Nesimba roruoko rwangu ndava kukupindukirai! Zvose zvisina maturo mavari ndichanyatsozvinyungurutsa ndichibvisa zvose zvisina kunaka mauri.

26 Ndichadzosera vatongi vako sapakutanga paye namakurukota ako sapamavambo paya. Mushure mezvo uchazonzi guta rakarurama guta rakatendeka.”

27 Zioni richanunurwa noruenzaniso, vanopinduka vachiponeswa pamusana poururami.

28 Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa pamwechete, vanofuratira Tenzi vachatsakatiswa.


Kuyambira vanonamata miti yemioku

29 Ndinodaro nokuti zvokufarira mioku yokunamata zvichakunyadzisai; muchanyara namapindu enyu amakatsaura;

30 nokuti muchaita somuti womuoku unowuna mashizha, sebindu risina mvura.

31 Mikuru yacho ichaita setsotso, basa rake richiita sakamoto kubarika. Zvose zviri zviviri zvichatsva pamwechete, pagoshaya anogona kuzvidzimura.

Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.

Bible Society of Zimbabwe
Volg ons:



Advertensies