Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 8 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 8
Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro.

2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3 Kana ndichifunga nezvamatenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5 Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6 Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7 makwai ose nemombe, nemhuka dzesango,

8 neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Volg ons:



Advertensies