Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 7 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 7
Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

2 kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5 ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate; ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu uye andivatise muguruva.

6 Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu; simukai murwise hasha dzavavengi vangu. Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7 Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai. Vatongei imi muri kumusoro;

8 Jehovha ngaatonge marudzi. Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu, zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9 Haiwa, Mwari akarurama, iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo, gumisai kuita nesimba kwavakaipa mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10 Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro, iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11 Mwari ndiye mutongi akarurama, iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12 Kana munhu asingatendeuki, iye acharodza munondo wake; achakunga uta hwake agogadzirira.

13 Agadzirira zvombo zvake zvinouraya; anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14 Iye ane mimba yezvakaipa akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15 Uyo anochera gomba, akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16 Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake; uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17 Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake, uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Volg ons:



Advertensies