Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 6 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 6
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.

2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3 Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5 Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6 Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7 Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8 Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9 Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10 Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Volg ons:



Advertensies