Mapisarema 3 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiPisarema 3 Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. 1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera 3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera 5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira. 6 Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise. 7 Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa. 8 Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.