Aanlyn Bybel

- Advertensies -

Mapisarema 20 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi


Pisarema 20
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1 Jehovha ngaakupindure paunotambudzika; zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene, uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

3 Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

4 Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako, uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

5 Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako, uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu. Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

6 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake; anomupindura ari kudenga rake dzvene, nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza, asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

8 Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa, asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

9 Haiwa Jehovha, ponesai mambo! Tipindurei patinodana!

Shona Contemporary Bible

Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®

Used by permission. All rights reserved worldwide.

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi

Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®

Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.

Biblica, Inc.
Volg ons:



Advertensies