Mapisarema 19 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiPisarema 19 Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. 1 Matenga anotaura kubwinya kwaMwari; matenga anoparidza mabasa amaoko ake. 2 Zuva nezuva anotaura; usiku nousiku anoratidza zivo. 3 Hakuna mutauro kana rurimi rusinganzwi inzwi ravo. 4 Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva, 5 rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange. 6 Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro. 7 Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano. 8 Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso. 9 Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama. 10 Zvinokosha kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa; zvinotapira kupfuura uchi, kupinda uchi hwabva muzinga. 11 Muranda wenyu anoyambirwa nazvo; pakuzvichengeta pano mubayiro mukuru. 12 Ndianiko angaziva kukanganisa kwake? Ndikanganwirei mhosva dzangu dzakavanzika. 13 Dzorai muranda wenyu kubva pakutadza nobwoni; ngazvirege kuva nesimba pamusoro pangu. Ipapo handizovi nemhosva, ndisina mhaka yokudarika kukuru. 14 Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, Dombo rangu noMudzikinuri wangu. |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.