Mapisarema 1 - Bhaibheri Dzvene MuChiShona ChanhasiBHUKU 1 Mapisarema 1–41 Pisarema 1 1 Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. 2 Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. 3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. 4 Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. 5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, kana vatadzi paungano yavakarurama. 6 Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama, asi nzira yavakaipa ichaparadzwa. |
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.
Biblica, Inc.