Eksodo 13:5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)5 Ɀino kana Jehova akuȿitsa kunyika yaʋaKanani, neyaʋaHeti, neyaʋaAmori, neyaʋaHivi, neyaʋaJebusi, yaakambopikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo, nyika inoyerera mukaka noʋuci, unofanira kundoita ɓasa iri nomŋedzi uno. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 20025 Zvino kana Jehovha akusvitsa kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, yaakambopikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, unofanira kundoita basa iri nomwedzi uno. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika5 “Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona5 “Kana Tenzi akazokusvitsai kunyika yaakatsidzira madzitateguru enyu kuzokupai, nyika yavaKanani navaHiti navaHivhi navaJebhusi, nyika yakanaka, nyika yomukaka nouchi, kupemberera ikoku ngakuitwe mumwedzi iwo uno. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi5 Pamunosvitswa naJehovha munyika yavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaHivhi, navaJebhusi, iyo nyika yaakapikira madzibaba enyu kuti vazokupai iyo, nyika inoyerera mukaka nouchi, munofanira kucherechedza chirevo ichi mumwedzi uno. Sien die hoofstuk |