Eksodo 13:13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)13 Mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo; mataŋgwe ose aʋanhu pakati paʋanakomana ʋako unofanira kuadzikinura. Sien die hoofstukShona Bible 1949 revised 200213 Mwana wokutanga wembongoro unofanira kuudzikinura negwayana, kana usingadi kuudzikinura, unofanira kuvhuna mutsipa wawo; madangwe ose avanhu pakati pavanakomana vako unofanira kuadzikinura. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika13 Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe. Sien die hoofstukBhaibhiri Idzva rechiShona13 Asi kana iri mhuru yedhongi hono, inenge iri yokutanga kuberekwa, inunurei nehwayana. Kana mukarega kuinunura imonyei mutsipa ife. Matangwe ose avanhu echirume ngaanunurwe. Sien die hoofstukBhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi13 Udzikinure negwayana mwana wose wokutanga wembongoro, asi kana usingaudzikinuri, uvhune mutsipa wawo. Udzikinure matangwe ose pakati pavanakomana vako. Sien die hoofstuk |